Mateo 24:1-51 - Compare All Versions
Mateo 24:1-51 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akabuda mutemberi, uye paakanga achifamba kudaro, vadzidzi vake vakaswedera kwaari vakamuratidza dzimba dzetemberi. Iye akati kwavari, “Muri kuona zvinhu izvi zvose here? Ndinokuudzai chokwadi kuti hakuna ibwe richasara pano riri pamusoro perimwe; ose achawisirwa pasi.” Jesu akati agara paGomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari voga vakati, “Tiudzei kuti zvinhu izvi zvichaitika rini, uye kuti chiratidzo chokuuya kwenyu nokuguma kwenyika chichava chei?” Jesu akapindura akati, “Chenjerai kuti murege kunyengerwa nomunhu. Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ndini Kristu,’ uye vachinyengera vazhinji. Muchanzwa nezvehondo uye neguhu rehondo, asi chenjerai kuti murege kuvhundutswa nazvo. Zvinhu zvakadaro zvinofanira kuitika asi kuguma kunenge kusati kwasvika. Nokuti rudzi ruchamukira rumwe rudzi noumambo huchamukira humwe umambo. Kuchava nenzara nokudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana-siyana. Asi zvose izvi mavambo okurwadziwa pakubereka. “Ipapo muchaiswa kuna vanokutambudzai mugourayiwa, uye muchavengwa nendudzi dzose nokuda kwangu. Panguva iyoyo vazhinji vachadzokera shure kubva pakutenda uye vachamukirana vagovengana, uye vaprofita vazhinji venhema vachamuka uye vachanyengera vanhu vazhinji. Nokuda kwokuwanda kwokusarurama, rudo rwavazhinji ruchatonhora. Asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo, achaponeswa. Uye vhangeri iri roumambo richaparidzwa munyika yose souchapupu kumarudzi ose, ipapo kuguma kuchasvika. “Saka pamunoona ‘nyangadzi yokuparadza’ yakataurwa nomuprofita Dhanieri, imire panzvimbo tsvene, anoverenga ngaanzwisise, ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo. Uyo ari padenga reimba yake ngaarege kuburuka kuti andotora chinhu chipi zvacho chiri mumba make. Ari mumunda ngaarege kudzokera kundotora nguo yake. Zvichaoma sei mumazuva iwayo kuvakadzi vane mimba navaya vanoyamwisa! Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuitika panguva yechando kana nomusi weSabata. Nokuti ipapo pachava nenhamo huru isina kumbovapo kubva pakuvamba kwenyika kusvika zvino uye haizombovapozve. Dai mazuva iwayo asina kutapudzwa, hapana munhu airarama, asi nokuda kwavasanangurwa, mazuva iwayo achatapudzwa. Panguva iyoyo, mukanzwa munhu anoti kwamuri, ‘Tarirai, hoyu Kristu!’ kana kuti, ‘Hoyo Kristu,’ musazvitenda. Nokuti kuchamuka vanaKristu venhema navaprofita venhema avo vachaita zviratidzo nezvishamiso kuti vanyengere kunyange navasanangurwa kana zvichigoneka. Tarirai, ndafanokuudzai zvisati zvaitika. “Saka kana munhu upi zvake akakuudzai kuti, ‘Tarirai uyo ari kurenje,’ musabuda kuti muendeko kana kuti akati, ‘Tarirai, ari mudzimba dzomukati,’ musazvitenda. Sezvinoita mheni inopenya kumabvazuva ichionekwawo kumavirira, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana woMunhu. Pose pano mutumbi ndipo pachaungana magora. “Pakarepo shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo, “ ‘zuva richasviba, uye mwedzi hauzovheneki; nyeredzi dzichawa kubva kudenga, namasimba omuchadenga achazungunuswa.’ “Ipapo chiratidzo choMwanakomana woMunhu chichaonekwa kudenga, uye ndudzi dzose dzenyika dzichachema. Vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru. Uye achatuma vatumwa vake nokurira kwehwamanda kukuru uye vachaunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina dzenyika, kubva kuno rumwe rutivi rwedenga kusvikira kuno rumwe. “Zvino dzidzai chidzidzo ichi kubva pamuonde: Panopfava matavi awo uye mashizha awo otungira, munoziva kuti zhizha rava pedyo. Saizvozvowo, nemiwo pamunoona zvinhu zvose izvi muzive kuti nguva yangu yava pedyo, yava pamusiwo. Ndinokuudzai chokwadi kuti rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika. Denga nenyika zvichapfuura asi mashoko angu haangatongopfuuri. “Hapana anoziva musi kana nguva kunyange vatumwa vokudenga kana Mwanakomana, asi Baba chete. Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNoa, ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu. Nokuti sapamazuva iwayo mafashamu asati auya, vanhu vaidya uye vachinwa, vaiwana nokuwanikwa kusvikira pazuva iro Noa akapinda muareka, uye vakanga vasingazivi chinhu pamusoro pezvaizoitika kusvikira mafashamu avakukura vose. Ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu. Varume vaviri vachange vari mumunda, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa. Vakadzi vaviri vachange vachikuya paguyo, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa. “Naizvozvo, garai makagadzirira nokuti hamuzivi zuva iro Ishe wenyu achauya naro. Asi nzwisisai izvi: Dai muridzi weimba aiziva kuti inguva ipi yousiku ichauya mbavha, angadai airinda uye haaizotendera kuti imba yake ipazwe. Naizvozvo nemiwo garai makagadzirira nokuti Mwanakomana woMunhu achauya nenguva yamusingamutarisiri. “Ndiani zvino muranda akatendeka uye akachenjera uyo akaiswa natenzi wake kuti atarire varanda veimba yake kuti agovapa zvokudya panguva yakafanira? Akaropafadzwa muranda uyo anowanikwa achiita izvozvo pakudzoka kwatenzi wake. Ndinokuudzai chokwadi kuti achamugadza kuti ave mutariri wepfuma yake yose. Asi ngatimboti muranda uyo akaipa uye oti mumwoyo make, ‘Tenzi wangu achange asipo kwenguva refu,’ uye ipapo otanga kurova vamwe varanda uye nokudya nokunwa nezvidhakwa. Tenzi womuranda uyo achauya pazuva raasingatarisire napanguva yaasingazivi. Achasvikomugura-gura agomuisa panzvimbo imwe chete navanyengeri apo pachava nokuchema nokurumanya kwameno.
Mateo 24:1-51 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jesu akabuda mutemberi, akati oenda, vadzidzi vake vakauya kwaari kuzomuratidza dzimba dzetemberi. Akapindura, akati kwavari, “Munoona zvinhu izvi zvose here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakungaregwi dombo pamusoro pedombo, risingazowisirwi pasi.” Akati agara pagomo reMiorivhi, vadzidzi vake vakauya kwaari, vari voga, vakati, “Tiudzei, kuti izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chokuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?” Jesu akapindura, akati kwavari, “Chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu. Nokuti vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti, ‘Ndini Kristu;’ vachitsausa vazhinji. Muchanzwa zvokurwa nenyaya yokurwa; chenjerai, musavhunduka, nokuti izvozvi zvose zvinofanira kumboitwa, asi kuguma kuchigere kusvika. Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, noushe huchamukira ushe; nenzara dzichavapo, nehosha, nokudengenyeka kwenyika kunzvimbo zhinji. “Asi zvinhu izvozvi zvichava kutanga kwenhamo. “Zvino vachakuisai kumadambudziko, vachakuurayai, muchavengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu. Vazhinji vachagumburwa, vachaisana kuvatongi nokuvengana. “Vaporofita vazhinji venhema vachamuka, vachitsausa vazhinji. Rudo rwavazhinji ruchatonhora, nokuti kusarurama kuchawanda. Asi anotsungirira kusvikira pakuguma, achaponeswa. Vhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika. “Naizvozvo kana muchiona nyangadzi yokuparadza, yakarehwa nomuporofita Dhaniere, imire panzvimbo tsvene (anorava ngaacherekedze); zvino vari muJudhea ngavatizire kumakomo; ari pamusoro pedenga reimba, ngaarege kuburuka kuzotora zviri mumba make; naari mumunda, ngaarege kudzokera shure kuzotora nguo yake. “Vachava nenhamo vane pamuviri navanoyamwisa namazuva iwayo; Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva panguva yechando kana neSabata. Nokuti nenguva iyo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye hakuchazovipo. “Dai mazuva iwayo asaitapudzwa, hakuna munhu airarama; asi nokuda kwavakasanangurwa mazuva iwayo achatapudzwa. “Zvino kana munhu akati kwamuri, ‘Tarirai, Kristu ari pano’, kana, ‘Apo’ regai kutenda. Nokuti vachamuka vanaKristu venhema, navaporofita venhema, vacharatidza zviratidzo zvikuru nezvinoshamisa, kuti kana zvichibvira, vatsause navakasanangurwawo. “Tarirai, ndagara ndakuudzai. Zvino, kana vakati kwamuri, ‘Tarirai, ari kurenje,’ regai kubuda; ‘Tarirai, ari mudzimba dzomukati,’ regai kutenda. “Nokuti semheni inobva mabvazuva, ichipenyeresa kumavirira, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu. Apo pane chitunha, ndipo pachaunganira magora. “Pakarepo, shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo, zuva richasviba, mwedzi hauchazobwinyi, nyeredzi dzichawa kudenga, namasimba okudenga achazununguswa. Ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaonekwa kudenga; zvino marudzi ose enyika achachema, achiona Mwanakomana womunhu achiuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru. “Achatuma vatumwa vake nehwamanda huru, vachaunganidza vasanangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwedenga kusvikira kuno rumwe rutivi. “Dzidzai pamuonde mufananidzo uyu, kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti zhizha rava pedyo. Saizvozvowo, nemiwo, kana moona izvozvo zvose, zivai kuti ava pedyo asvika pamukova. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira izvozvi zvose zvaitika. Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri. “Asi kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna anozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana, asi Baba voga. Sapamazuva aNoa, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu. Nokuti sapamazuva iwayo, mvura zhinji isati yasvika, vaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva Noa raakapinda naro muareka, vasingazivi zvichavawira kusvikira mvura zhinji yauya, ikavaparadza vose; ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu. Nenguva iyo vaviri vachava mumunda, mumwe achatorwa, mumwe akasiyiwa. Vakadzi vaviri vachakuya paguyo rimwe, mumwe uchatorwa, mumwe akasiyiwa. Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi zuva, Ishe wenyu raanouya naro. Asi zivai izvi, kuti dai saimba, aiziva nguva yokusvika kwembavha, angadai airinda, akasatendera kuti imba yake ipazwe. Naizvozvo nemiwo, garai makazvigadzirira; nokuti Mwanakomana womunhu achauya nenguva yomusingamutariri. Ndianiko muranda akatendeka, akangwara, akagadzwa nashe wake kuti ave mutariri weimba yake, kuti avape zvokudya nenguva yakafanira? “Akaropafadzwa muranda uyo, anoti kana ishe wake achisvika, akamuwana achiita saizvozvo. Zviro kwazvo ndinoti kwamuri, achamugadza kuti ave mutariri wezvose zvaanazvo. Asi kana muranda uyo akaipa akataura mumwoyo make, achiti, ‘Ishe wangu anonoka;’ akatanga kurova vamwe varanda vanoshanda pamwechete naye, akadya, akanwa pamwechete navanoraradza, ishe womuranda uyo achasvika nezuva raasingamutariri, nenguva yaasingazivi; akamurovesa kwazvo, akamupa mugove wake pamwechete navanyengeri; apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
Mateo 24:1-51 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Jesu paakanga achibva muTemberi avakuenda, vadzidzi vake vakauya kwaari vachimunongedzera dzimba dzeTemberi. Asi iye akapindura achiti, “Muri kuona zvose izvi handiti, zvechokwadi ndinoti kwamuri hapachazosara dombo riri pamusoro perimwe risingazokoromotserwa pasi.” Paakanga akagara pagomo roMuorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari voga pachavo vachiti, “Tiudzei, zvichaitika rinhi izvi uye chii chicharatidza kuti mavakuuya, uyewo kuti nyika yava kuguma?” Jesu akavapindura achiti, “Chenjerai kuti murege kurasiswa naani zvake. Nokuti kuna vazhinji vachauya nomuzita rangu vachiti ndini, ‘Kristu.’ Vacharasisa vazhinji. Muchanzwa zvehondo namarehwarehwa ehondo. Musanyanye kutya zvenyu. Izvi zvinofanira kuti zviitike asi magumo anenge asati asvika. Rudzi ruchamukirana norumwe rudzi noumambo huchamukirana nohumwe humambo. Kuchava nedzinzara nokundengendeka kwapasi munzvimbo dzakasiyana–siyana. Iri rinenge riri romoromo chete ramatambudziko okusununguka. Vachakupinzai mudambudziko vachikuurayai. Muchavengwa namarudzi ose pamusana pezita rangu. Vazhinji vachakoromoka pakutenda kwavo. Vachacherana vachivengana. Pachamuka vaporofita venhema vachizorasisa vanhu nzira. Nokuda kokuti uipi hunenge hwawanda, rudo rwavazhinji ruchatonhora. Asi uyo anotsungarara kusvikira kumagumo achaponeswa. Shoko iri Rakanaka roumambo richaparidzwa pasi pose souchapupu kumarudzi ose. Ndipo panozouya kuguma. “Naizvozvo kana moona chiya choumharadzi chinon'oresa chakarehwa nomuporofita Dhanieri chamira munzvimbo inoera (anoverenga ngaanzwisise.) Ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo. Uyo anenge ari pamusoro pemba ngaarege kuburikira pasi kuti andotora zviri mumba make. Anenge ari kumunda ngaarege kudzokera kundotora jasi rake. Hameno zvavo vanenge vaina pamuviri navavo vanenge vachiri kuyamwisa pamazuva iwayo. Namatai kuti kutiza kwenyu kusave panguva yechando kana kuti pazuva reSabata. Nokuti kuchava nenhamo huru isati yamboitika kubvira pakutanga kwapasi kusvikira pari zvino uye hazvichazombofa zvakaitikazve. Dai kuri kuti mazuva iwayo haana kutapudzwa, hapana munhu aiponeswa, asi pamusana pavakasarudzwa, mazuva iwayo achatapudzwa. “Ipapo kana ani zvake akati kwamuri, ‘Tarisai houno Kristu kana kuti ari koko,’ musazvidavire nokuti kuchamuka vana Kristu vamanyepo navaporofita venhema vachiratidza zviratidzo zvikuru nezvishamiso kuti vatsautse, kana zvakwanisika, kunyange vasarudzwi. Chionai kuti ndakutaurirai zvisati zvaitika. Naizvozvo kana vakati kwamuri, ‘Hoyo ari murenje, musabude muchiendako. Kana vakati ari mudzimba dzomukati’ musazvitenda. Sokuvaima kunoita mheni kubva kumabvazuva kusvika kumadokero ndiko kuuya kuchaita Mwanakomana womunhu. Pane chitunha, magora ndipo paanoungana. “Nhamo yamazuva iwayo ichangobva mukupera, zuva richaora, mwedzi uchisvipa uye nyenyedzi dzichadonha kubva mudenga. Masimba omumatenga achazungunutswa. Ndipo pachaonekwa mudenga chiratidzo choMwanakomana womunhu. Marudzi apasi pose achaungudza. Vachaona Mwanakomana womunhu achiuya ari mumakore edenga aine simba nembiri huru. Iye achatuma vatumwa vake nehwamanda inorira kwazvo. Vachakokorodza vasarudzwi vake kubva kumativi mana enyika, kubvira kwakaperera nyika kusvikawo kwayakaperera rumwe rutivi. “Dzidzai chidzidzo chinobva kumuonde. Kana bazi rawo rotunga, pfumvudza yobuda, munobva maziva kuti zhizha rava pedyo. Naizvozvo imiwo kana moona izvi zvose, zivai kuti iye ava padyo, atova pamusuo chaipo. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri chizvarwa ichi hachimbopfuuri, zvinhu izvi zvisati zvaitika. Denga napasi zvichapera asi mazwi angu haambopfuuri. “Asi zvezuva iroro nenguva yacho hapana anozviziva kunyange vatumwa vedenga, kanawo Mwanakomana asi Baba voga. Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNowa, ndizvozvowo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana womunhu. Sapamazuva iwayo, mafashamo emvura asati auya, vanhu vaidya nokunwa vachiroora nokuroorwa kusvikira pazuva rakapinda Nowa mungarava. Havana kuziva kusvikira mafashamo auya akavatsvaira vose. Ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana womunhu. Pavarume vaviri vanenge vari mumunda, mumwe achatorwa mumwe achisiiwa. Vakadzi vaviri vanenge vari paguyo vachikuya pamwechete, mumwe achatorwa mumwe achisiiwa. Nezvo rindirai nokuti hamuzivi kuti Tenzi wenyu anouya zuva ripi. Asi zivai izvi zvokuti dai saimba aiziva nguva yousiku ichauya nayo mbavha aigaririra. Haairega imba yake ichipazwa. Saizvozvo nemiwo garai makagadzirira nokuti Mwanakomana womunhu anouya nenguva yamusingamutarisiri. “Ndoupi zvino muranda wakatendeka uye akangwara anoiswa pabasa natenzi wake rokutarira vomumusha make kuti avape zvokudya zvavo nenguva kwayo? Akakomborerwa muranda uyo anoti kana tenzi wake wouya anomuwana achiita saizvozvo. Zvechokwadi, ndinoti kwamuri achamuita mukuru wezvose zvaanazvo. Asi kana muranda uya akaipa, achizviti mumwoyo, ‘Tenzi wangu anonoka,’ iye wotanga kurova vamwe varanda naye, achidya nokunwa nezvidhakwa; tenzi womuranda uyu achauya pazuva raasingamutarisiri uye panguva yaasingazivi, omuranga achimuisa pamwechete navanyengedzi, ikoko vanhu vachachema vachirumanidza mazino.
Mateo 24:1-51 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino Jesu wakaɓuɗa patembere, akati oenda, ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya kwaari kuzomuratidza dzimba dzetembere. Akapindura, akati kwaʋari: Munoʋona ɀinhu iɀi ɀose here? Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Hakuŋgaregwi ibge pamsoro pebge, risiŋgazowisirwi pasi. Wakati agara pagomo reMiorivi, ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya kwaari, ʋari ʋoga, ʋakati: Tiʋudzei, kuti iɀoɀi ɀicagoʋa riniko? Neciratidzo cokuʋuya kwenyu necokuguma kwenyika cicaʋa cipiko? Jesu akapindura, akati kwaʋari: Cenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu. Nokuti ʋazhinji ʋacaʋuya nezita raŋgu, ʋaciti: Ndini Kristu; ʋacitsausa ʋazhinji. Mucanzwa ɀokurwa neguhu rokurwa; cenjerai, musavunduka, nokuti iɀoɀi ɀose ɀinofanira kumboitwa, asi kuguma kucigere kuȿika. Nokuti rudzi rucamukira rudzi, noʋushe bgucamukira ʋushe; nenzara dzicaʋa’po, nehosha, nokuɗeŋgenyika kwenyika kunɀimbo zhinji. Asi ɀinhu iɀoɀi ɀicaʋa kutaŋga kwenhamo. Ɀino ʋacakuisai kumaɗambudziko, ʋacakuʋurayai, mucaʋeŋgwa namarudzi ose nokuɗa kwezita raŋgu. Ʋazhinji ʋacagumburwa, ʋacaisana kuʋatoŋgi nokuʋeŋgana. Ʋaprofita ʋazhinji ʋenhema ʋacamuka, ʋacitsausa ʋazhinji. Ruɗo rwaʋazhinji rucatonhora, nokuti kusarurama kucawanda. Asi unotsuŋgirira kuȿikira pakuguma, ucaponeswa. Evaŋgeri iyi yoʋushe icaparidzirwa munyika dzose, ciʋe capupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kucaȿika. Naiɀoɀo kana muciʋona nyaŋgadzi yokuparadza, yakarebga nomuprofita Daniere, imire panɀimbo tȿene (unoraʋa ŋgaacerekedze); ɀino ʋari muJudea ŋgaʋatizire kumakomo; uri pamsoro peɗeŋga reimba, ŋgaarege kuɓuruka kuzotora ɀiri mumba make; nouri mumunda, ŋgaarege kudzokera shure kuzotora ŋguʋo yake. Ʋacaʋa nenhamo ʋanemimba naʋanomŋisa namazuʋa iwayo; nyeŋgeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuʋa pacando kana nesaɓata. Nokuti neŋguʋa iyo kucaʋa’po kutambudzika kukuru, kusati kwakamboʋa’po kwakaɗaro, kubva pakutaŋga kwenyika kuȿikira ɀino, ʋuye hakucazoʋi’po. Ƌai mazuʋa iwayo asaitapudzwa, hakunenyama yairarama; asi nokuɗa kwaʋakasanaŋgurwa mazuʋa iwayo acatapudzwa. Ɀino kana munhu akati kwamuri: Tarirai, Kristu uri pano, kana apo; regai kutenda. Nokuti ʋacamuka ʋanaKristu ʋenhema, naʋaprofita ʋenhema, ʋacaratidza ɀiratidzo ɀikuru neɀinoshamisa, kuti kana ɀicibvira, ʋatsause naʋakasanaŋgurwa ʋo. Tarirai, ndagara ndakuʋudzai. Ɀino, kana ʋakati kwamuri: Tarirai, uri kurenje, regai kuɓuɗa; Tarirai, uri mudzimba dzomukati, regai kutenda. Nokuti semheni inobva mabvazuʋa, icipenyera kumaʋirira, ndiɀo ɀicaita kuʋuya kwoMŋanakomana womunhu. Apo panomutumbu, ndi’po pacaʋuŋganira magora. Pakarepo, shure kwokutambudzika kwamazuʋa iwayo, zuʋa ricaȿiɓa, mŋedzi haucazobginyi, nyeredzi dzicawa kuɗeŋga, namasimba okuɗeŋga acazunuŋguswa. Ipapo ciratidzo coMŋanakomana womunhu cicaʋonekwa kuɗeŋga; ɀino marudzi ose enyika acacema, aciʋona Mŋanakomana womunhu aciʋuya pamsoro pamakore okuɗeŋga nesimba nokubginya kukuru. Ucatuma ʋatumŋa ʋake nehwamanda huru, ʋacaʋuŋganidza ʋasanaŋgurwa ʋake kunobva mhepo inna, kubva kurutiʋi rumŋe rweɗeŋga kuȿikira kunorumŋe rutiʋi. Dzidzai pamuʋonde mufananidzo wawo: Kana ɗaʋi rawo raʋa nyoro, mashizha acituŋga, munoziʋa kuti zhezha raʋa pedyo. Saiɀoɀo, nemi ʋo, kana moʋona iɀoɀo ɀose, ziʋai kuti waʋa pedyo pamukoʋa. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu haruŋgatoŋgopfuʋuri kuȿikira iɀoɀi ɀose ɀaitika. Ƌeŋga nenyika ɀicapfuʋura, asi mashoko aŋgu haaŋgatoŋgopfuʋuri. Asi kana riri zuʋa iro neŋguʋa iyo, hakuna‐unoɀiziʋa, kunyaŋge ʋatumŋa ʋokuɗeŋga, kunyaŋge Mŋanakomana, asi Ƃaɓa ʋoga. Sapamazuʋa aNoa, ndiɀo ɀicaita kuʋuya kwoMŋanakomana womunhu. Nokuti sapamazuʋa iwayo, mvura zhinji isati yaȿika, ʋaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kuȿikira zuʋa Noa raakapinda naro muareka, ʋasiŋgaziʋi kuȿikira mvura zhinji yaʋuya, ikaʋabvisa ʋose; ndiɀo ɀicaita kuʋuya kwoMŋanakomana womunhu. Neŋguʋa iyo ʋaʋiri ʋacaʋa mumunda, mumŋe ucatorwa, mumŋe akasiyiwa. Ʋakadzi ʋaʋiri ʋacakuya paguyo rimŋe, mumŋe ucatorwa, mumŋe akasiyiwa. Rindai naiɀoɀo, nokuti hamuziʋi zuʋa, Ishe wenyu raanoʋuya naro. Asi ziʋai iɀi, kuti mŋene weimba, ɗai aiziʋa ŋguʋa yokuȿika kwembava, uŋgaɗai airinda, akasatendera kuti imba yake ipazwe. Naiɀoɀo nemi ʋo, garai makaɀigadzira; nokuti Mŋanakomana womunhu ucaʋuya neŋguʋa yomusiŋgamutariri. Ndianiko muranda wakatendeka, wakaŋgwara, wakagadzwa nashe wake aʋe mutariri weimba yake, kuti aʋape ɀokudya neŋguʋa yakafanira? Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake aciȿika, akamuwana aciita saiɀoɀo. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, ucamugadza aʋe mutariri weɀose ɀaanaɀo. Asi kana muranda uyo wakaipa akataura mumŋoyo make, aciti: Ishe waŋgu wanonoka; akataŋga kuroʋa ʋamŋe ʋaranda ʋanoɓata pamŋe cete naye, akadya, akanwa pamŋe cete naʋakaɓatwa; ishe womuranda uyo ucaȿika nezuʋa raasiŋgamutariri, neŋguʋa yaasiŋgaziʋi; akamuroʋesa kwaɀo, akamupa mugoʋe wake pamŋe cete naʋanyeŋgeri; apo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno.
Mateo 24:1-51 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)