Mateo 24:1-2
Mateo 24:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akabuda mutemberi, uye paakanga achifamba kudaro, vadzidzi vake vakaswedera kwaari vakamuratidza dzimba dzetemberi. Iye akati kwavari, “Muri kuona zvinhu izvi zvose here? Ndinokuudzai chokwadi kuti hakuna ibwe richasara pano riri pamusoro perimwe; ose achawisirwa pasi.”
Mateo 24:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jesu akabuda mutemberi, akati oenda, vadzidzi vake vakauya kwaari kuzomuratidza dzimba dzetemberi. Akapindura, akati kwavari, “Munoona zvinhu izvi zvose here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakungaregwi dombo pamusoro pedombo, risingazowisirwi pasi.”
Mateo 24:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu paakanga achibva muTemberi avakuenda, vadzidzi vake vakauya kwaari vachimunongedzera dzimba dzeTemberi. Asi iye akapindura achiti, “Muri kuona zvose izvi handiti, zvechokwadi ndinoti kwamuri hapachazosara dombo riri pamusoro perimwe risingazokoromotserwa pasi.”
Mateo 24:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jesu wakaɓuɗa patembere, akati oenda, ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya kwaari kuzomuratidza dzimba dzetembere. Akapindura, akati kwaʋari: Munoʋona ɀinhu iɀi ɀose here? Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Hakuŋgaregwi ibge pamsoro pebge, risiŋgazowisirwi pasi.
Mateo 24:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)