Mateo 23:8-12
Mateo 23:8-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Asi imi hamufaniri kunzi ‘Rabhi’ nokuti munongova naTenzi mumwe chete uye mose muri hama. Musadana ani zvake ari panyika muchiti, ‘Baba’ nokuti munongova naBaba vamwe chete uye vari kudenga. Uye musadaidzwa muchinzi ‘mudzidzisi’ nokuti muno Mudzidzisi mumwe chete iye Kristu. Mukuru pakati penyu ndiye achava muranda wenyu. Nokuti ani naani anozvikudza achaninipiswa uye ani naani anozvininipisa achakudzwa.
Mateo 23:8-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi imi musanzi, ‘Rabhi;’ nokuti mudzidzisi wenyu ndomumwe, imi mose muri hama. Musati munhu ari panyika baba venyu, nokuti mumwechete ndiBaba venyu, ivo vari kudenga. Musati ‘Vatenzi,’ nokuti mumwechete, nditenzi wenyu, iye Kristu. Asi mukuru pakati penyu ngaave muranda wenyu. Ani naani anozvikudza achaninipiswa, naani naani anozvininipisa, achakudzwa.
Mateo 23:8-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Musadaidzwe kunzi mudzidzisi nokuti mune mudzidzisi mumwechete, uye imi mose munongova hama nehama. “Musadaidze munhu kuti baba vako panyika nokuti muna Baba mumwechete ari kudenga. Musadaidzwe kunzi murairidzi nokuti mune murairidzi mumwechete, Kristu. Mukuru pakati penyu ndiye achava mushandiri wenyu. Uyo anozvikudza achadukupiswa. Uyewo anozvidukupisa achakudzwa.
Mateo 23:8-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi imi musaidzwa Rabi; nokuti mudzidzisi wenyu ndomumŋe, imi mose muri hama. Musaidza munhu uri panyika ɓaɓa ʋenyu, nokuti mumŋe cete ndiƂaɓa ʋenyu, iʋo ʋari kuɗeŋga. Musaidzwa ʋo ʋatenzi, nokuti mumŋe cete ndiTenzi wenyu, iye Kristu. Asi mukuru pakati penyu ŋgaaʋe muranda wenyu. Aninani unoɀikudza ucaninipiswa, naaninani unoɀininipisa, ucakudzwa.
Mateo 23:8-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)