Mateo 23:35 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 23:35 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye nokudaro, ropa ravakarurama vose rakateurwa panyika richauya pamusoro penyu kubvira paropa raAbheri akanga akarurama kusvikira paropa raZekaria mwanakomana waBherekia uyo wamakauraya pakati petemberi nearitari.
Mateo 23:35 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kuti ropa rose ravakarurama, rakateurirwa panyika, riuye pamusoro penyu, kubva paropa raAbheri akanga akarurama, kusvikira paropa raZekariya, mwanakomana waBharakia, wamakauraya pakati petemberi nearitari.
Mateo 23:35 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Kuti ropa rose raʋakarurama, rakateʋurirwa panyika, riʋuye pamsoro penyu, kubva paropa raAberi wakaŋga akarurama, kuȿikira paropa raZakaria, mŋanakomana waBarakia, wamakaʋuraya pakati petembere neartari.
Mateo 23:35 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kuti mupfukirwe neropa rose ravakarurama rakadeurwa pasi pose kubvira kuropa risina mhaka raAbhero kusvika kuropa raZakaria mwanakomana waBharakiya wamakauraya pakati penzvimbo inoera neatari.
Mateo 23:35 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
kuti mupfukirwe neropa rose ravakarurama rakadeurwa pasi pose kubvira kuropa risina mhaka raAbhero kusvika kuropa raZakaria mwanakomana waBharakiya wamakauraya pakati penzvimbo inoera neatari.