Mateo 23:34 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 23:34 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo ndiri kukutumirai vaprofita navachenjeri navadzidzisi. Vamwe vavo muchavauraya uye muchavaroverera pamuchinjikwa; vamwe muchavarova mumasinagoge enyu uye muchavadzingirira kubva kune rimwe guta kusvikira kune rimwe guta.
Mateo 23:34 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka, tarirai, ndinotumira kwamuri vaporofita, navakachenjera, navanyori; muchauraya vamwe vavo, nokuvarovera pamuchinjikwa; mucharovesa vamwe vavo mumasinagoge enyu, nokuvadzingirira mumaguta ose.
Mateo 23:34 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Saka, tarirai, ndinotumira kwamuri ʋaprofita, naʋakacenjera, naʋanyori; mucaʋuraya ʋamŋe ʋaʋo, nokuʋaroʋer cinjikwa; mucaroʋesa ʋamŋe ʋaʋo mumasinagoge enyu, nokuʋadziŋgirira mumaguta ose.
Mateo 23:34 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokudaro ndichakutumirai vaporofita navachenjeri nenyanzvi dzomutemo. Vamwe muchauraya zvenyu nokuroverera pamuchinjikwa. Vamwe vavo muchavarova zvikuru mumasinagogu muchivatambudza muguta neguta
Mateo 23:34 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Nokudaro ndichakutumirai vaporofita navachenjeri nenyanzvi dzomutemo. Vamwe muchauraya zvenyu nokuroverera pamuchinjikwa. Vamwe vavo muchavarova zvikuru mumasinagogu muchivatambudza muguta neguta