Mateo 23:3-4 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 23:3-4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka munofanira kuvateerera muite zvinhu zvose zvavanokuudzai. Asi musaita zvavanoita, nokuti havaiti zvavanoparidza. Vanosunga mitoro inorema voitakudza pamafudzi avanhu, asi ivo pachavo havadi kusimudza munwe kuti vaibvise.
Mateo 23:3-4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
saka zvose zvavanokuudzai, muzviite nokuzvichengeta, asi musatevera mabasa avo; nokuti vanotaura, asi havaiti. Vanosunga mitoro inorema, inotambudza kutakura, vachiisa pamafudzi avanhu, asi ivo vamene havadi kuibata nomunwe wavo.
Mateo 23:3-4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
saka ɀose ɀaʋanokuʋudzai, muɀiite nokuɀiceŋgeta, asi musateʋera maɓasa aʋo; nokuti ʋanotaura, asi haʋaiti. Ʋanosuŋga mitoro inorema, inotambudza kutakura, ʋaciiisa pamafudzi aʋanhu, asi iʋo ʋamene haʋaɗi kuiɓata nomunwe waʋo.
Mateo 23:3-4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
saka itai nokuchengeta zvose zvavanokuudzai asi kwete zvavanoita nokuti ivo havaiti zvavanoparidza. Vanotakudza vanhu mitoro isingatakuriki vachiisa pamafudzi avanhu asi ivo pachavo havadi kuibata kana nomune wavo zvawo.
Mateo 23:3-4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)