Mateo 22:8-10
Mateo 22:8-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ipapo akati kuvaranda vake, ‘Mutambo wesvitsa wagadzirirwa asi vaya vandakakoka vakanga vasingakodzeri kuti vauye. Endai kumharadzano dzenzira mundokoka kumutambo ani zvake wamuchawana.’ Saka varanda vakaenda mumigwagwa vakandokokorodza vose vavakagona kuwana, vose vakanaka nevakaipa, uye imba yesvitsa ikazara navakanga vakokwa.
Mateo 22:8-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvino akati kuvaranda vake, ‘Mutambo wokuchata wakagadzirwa, asi vakanga vakokerwa vakanga vasina kufanirwa. Naizvozvo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumutambo vose vamuNowana.’ Varanda ivavo vakaenda kunzira, vakaunganidza vose vavakawana, vakaipa navakanaka; imba yomuchato ikazara navagere pakudya.
Mateo 22:8-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akazoti kuvaranda vake, ‘Muchato wagadzirirwa asi vaya vakakokwa vanga vasina kukodzera. Saka endai pamharadzano dzemigwagwa mundokoka kumabiko omuchato vose vamunenge makwanisa kuwana.’ Varanda vaya vakafamba nemigwagwa vakakokorodza vose vavakakwanisa kuwana, vakanaka navakaipa. Saizvozvo zimba romuchato rakazara navakanga vakokwa.
Mateo 22:8-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino akati kuʋaranda ʋake: Mutambo wokuwana wakagadzirwa, asi ʋakaŋga ʋakokerwa ʋakaŋga ʋasina‐kufanirwa. Naiɀoɀo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumutambo ʋose ʋamunowana. Ʋaranda iʋaʋo ʋakaɓuɗira kunzira, ʋakaʋuŋganidza ʋose ʋaʋakawana, ʋakaipa naʋakanaka; imba yokuwana ikazara naʋagere pakudya.
Mateo 22:8-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)