Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 22:23-46

Mateo 22:23-46 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Pazuva rimwe chetero vaSadhusi, avo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya kwaari nomubvunzo. Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatiudza kuti murume akafa asina vana mununʼuna wake anofanira kuwana chirikadzi agomuberekera vana. Zvino pakati pedu paiva navanakomana vomunhu mumwe vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi ndokubva iye afa, uye sezvo akanga asina vana, akasiyira mununʼuna wake mukadzi. Zvimwe chetezvo zvakaitika kuno wechipiri nowechitatu kusvikira kuno wechinomwe. Pakupedzisira mukadzi akazofawo. Zvino pakumuka kwavakafa, achava mukadzi waaniko pavanomwe vaya sezvo vose vaiva varume vake?” Jesu akavapindura akati, “Ndipo pamunorasika ipapo nokuti hamuzivi Magwaro kana simba raMwari. Pakumuka kwavakafa vanhu havawani kana kuwanikwa, vachange vakaita savatumwa kudenga. Asi pane zvokumuka kwavakafa, hamuna kuverenga here zvakarehwa naMwari kwamuri, achiti, ‘Ndini Mwari waAbhurahama naMwari waIsaka naMwari waJakobho’? Haasi Mwari wavakafa asi wavapenyu.” Vanhu vazhinji vakati vanzwa izvi, vakashamiswa nokudzidzisa kwake. Vanzwa kuti Jesu akanga akunda vaSadhusi, vaFarisi vakaungana pamwe chete. Mumwe wavo aiva nyanzvi pane zvemirayiro akamuedza nomubvunzo achiti, “Mudzidzisi, ndoupi murayiro mukuru muMurayiro?” Jesu akapindura akati, “ ‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose nokufunga kwako kwose.’ Uyu ndiwo murayiro mukuru uye wokutanga. Wechipiri wakafanana nawo unoti, ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’ Murayiro wose naVaprofita zvakabatanidzwa pamirayiro iyi miviri.” VaFarisi pavakanga vachakaungana pamwe chete, Jesu akavabvunza akati, “Munofungei nezvaKristu? Mwana waani?” Vakapindura vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi.” Akati kwavari, “Ko, zvino sei Dhavhidhi achitaura noMweya akamuti, ‘Ishe’? Nokuti anoti, “ ‘Ishe akati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rworudyi, kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.’ Zvino kana Dhavhidhi achimuti, ‘Ishe’ angagova mwanakomana wake sei?” Hapana akagona kutaura shoko rimwe, uye kubva pazuva iroro zvichienda mberi hapana akazoshinga kumubvunza mimwezve mibvunzo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 22

Mateo 22:23-46 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Nezuva iro vaSadhusi vakasvika kwaari, ivo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakamubvunza, vachiti, “Mudzidzisi, Mosesi akati, kana munhu akafa asina vana, munun'una wake ngaawane mukadzi wake, agomutsira mukoma wake vana. Kwatiri kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akawana mukadzi, akafa asina vana, akasiyira munun'una wake mukadzi wake; nokudarowo wechipiri, nowechitatu, kusvikira kuno wechinomwe. Shure kwavose mukadzi akafawo. Zvino pakumuka kwavakafa, achava mukadzi waaniko wavanomwe ava, nokuti vose vaiva naye.” Jesu akapindura, akati kwavari, “Marasika, nokusaziva Magwaro, kana simba raMwari. Nokuti pakumuka kwavakafa havawani, kana kuwaniswa; asi vakaita savatumwa kudenga. Asi kana kuri kumuka kwavakafa, hamuna kurava here zvamakaudzwa naMwari, paakati, ‘Ini ndiri Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho?’ Haasi Mwari wavakafa, asi wavapenyu.” Vanhu vazhinji vachinzwa izvozvo, vakashamiswa nokudzidzisa kwake. VaFarisi vakati vachinzwa kuti wapwisa vaSadhusi, vakaungana pamwechete. Mumwe wavo, mududziri womurayiro, akamubvunza, achimuedza, akati, “Mudzidzisi, murayiro mukuru pamirairo ndoupiko?” Akati kwaari, “Ida Ishe, Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose. Ndiwo murayiro mukuru nowokutanga. Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu, ‘Ida wokwako, sezvaunozvida iwe.’ Murayiro wose navaporofita zvakabatanidzwa pamirairo iyi miviri.” Zvino vaFarisi vachakaungana, Jesu akavabvunza, akati, “Munofungeiko pamusoro paKristu? Mwanakomana waaniko?” Vakati kwaari, “WaDhavhidhi.” Akati kwavari, “Dhavhidhi akagomutumidza seiko noMweya, Ishe wake, achiti, ‘Ishe akati kuna Ishe wangu, Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako?’ Zvino, kana Dhavhidhi achimutumidza Ishe, angagova mwanakomana wake seiko?” Kwakanga kusina munhu akagona kumupindura shoko, uye kwakanga kusina munhu akatsunga kumubvunza chinhu pazuva iro.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 22

Mateo 22:23-46 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Pazuva rimwechetero, vaSadhusei vakauyawo kwaari. Ndivo vaya vanoti zvokumuka kwavakafa hakuna. Vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi, Mosesi akati kana murume akafa asina vana munun'una wake anofanira kumugara nhaka kuti aberekere mukoma vana. Zvino pakati pedu kwaiva navarume, mukoma nomunun'una vanomwe. Wokutanga akaroora akafa asina kuita vana. Akasiya mukadzi wake kumunun'una wake. Ndizvozvowo zvakaitika kune wechipiri newechitatu kusvika kune wechinomwe. Mushure mavo vose, mukadzi uya akafa. Ko zvino pakumuka kwavakafa achava mukadzi woupi pavanomwe ivava nokuti akambova wavo vose zvavo?” Jesu akavapindura achiti, “Munokanganisa, nokuti hamuzivi Magwaro Matsvene uye simba raMwari. Nokuti pakumuka kwavanhu kubva kuvafi, havazoroori kana kuroorwa. Asi vanenge vaita savatumwa vokudenga. Pane zvokumuka kwavakafa hamuna kuverenga here zvakataurwa naMwari kwamuri achiti, ‘Ndini Mwari waAbhurahamu naMwari Isaki, naMwari Jakobho. Haasi Mwari wavakafa asi Mwari wavapenyu?’ ” Uuzhinji hwavanhu pahwakazvinzwa hwakashamiswa nechidzidziso chake. VaFarisei pavakanzwa kuti akapwisa vaSadhusei, vakaungana. Mumwe wavo aiva, gweta, akamubvunza mubvunzo wokumuedza achiti, “Mudzidzisi ndoupi murao mukuru mumutemo?” Jesu akati kwaari, “Ida Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose. Iwoyu ndiwo mutemo mukuru uye wokutanga. Wechipiri wakafanana naiwo unoti, ‘Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako.’ Mirao miviri iyoyi ndiyo misimboti yemitemo yose navaporofita.” VaFarisei pavakanga vakaungana, Jesu akavabvunza mubvunzo achiti, “Munofungei nezvaKristu? Mwanakomana waani?” Vakati kwaari, “Mwana waDhavhidhi.” Iye akati kwavari, “Ko sei Dhavhidhi, afemerwa naMweya Mutsvene, anomuti Tenzi paanoti, “ ‘Tenzi akati kuna tenzi wangu gara kurudyi rwangu, kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako?’ Ko zvino kana Dhavhidhi achimuti, ‘Tenzi,’ ko angave Mwana wake sei?” Hapana akagona kumupindura kana izwi zvaro. Uyewo kubvira pazuva iroro hapana akazofemerazve kumubvunza mibvunzo mimwe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 22

Mateo 22:23-46 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Nezuʋa iro ʋaSaduse ʋakaȿika kwaari, iʋo ʋanoti hakuna‐kumuka kwaʋakafa, ʋakamubvunza, ʋaciti: Mudzidzisi, Mosesi wakati, kana munhu akafa asinaʋana, munuŋuna wake ŋgaawane mukadzi wake, agomutsira mukoma wake ʋana. Kwatiri kwakaŋga kunaʋanakomana ʋomunhu mumŋe ʋanomŋe; weɗaŋgwe akawana mukadzi, akafa asinaʋana, akasiyira munuŋuna wake mukadzi wake; nokuɗaro ʋo wecipiri, nowecitatu, kuȿikira kunowecinomŋe. Shure kwaʋose mukadzi akafa ʋo. Ɀino pakumuka kwaʋakafa, ucaʋa mukadzi waniko waʋanomŋe aʋo, nokuti ʋose ʋaiʋa naye. Jesu akapindura, akati kwaʋari: Marashika, nokusaziʋa Magwaro, kana simba raMŋari. Nokuti pakumuka kwaʋakafa haʋawani, kana kuwaniswa; asi ʋakaita saʋatumŋa kuɗeŋga. Asi kana kuri kumuka kwaʋakafa, hamuna‐kuraʋa here ɀamakaʋudzwa naMŋari, paakati: Ini ndiri Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo? Haazi Mŋari waʋakafa, asi waʋapenyu. Ʋanhu ʋazhinji ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakashamiswa nokudzidzisa kwake. ƲaFarise ʋakati ʋacinzwa kuti wapxisa ʋaSaduse, ʋakaʋuŋgana pamŋe cete. Mumŋe waʋo, muɗudziri womurairo, akamubvunza, acimuidza, akati: Mudzidzisi, murairo mukuru pamirairo ndoupiko? Akati kwaari: Iɗa Ishe, Mŋari wako, nomŋoyo wako wose, nomŋeya wako wose, nokufuŋga kwako kwose. Ndiwo murairo mukuru nowokutaŋga. Wecipiri unofanana nawo, ndiwoyu: Iɗa wokwako, seɀaunoɀiɗa iwe. Murairo wose naʋaprofita ɀakaɓatanidzwa pamirairo iyi miʋiri. Ɀino ʋaFarise ʋacakaʋuŋgana, Jesu akaʋabvunza, akati: Munofuŋgeiko pamsoro paKristu? Mŋanakomana waniko? Ʋakati kwaari: WaDavidi. Akati kwaʋari: Davidi wakagomutumidza seiko noMŋeya, Ishe wake, aciti: Ishe wakati kunaShe waŋgu: Gara kurudyi rwaŋgu, Kuȿikira ndaisa ʋaʋeŋgi ʋako pasi petsoka dzako? Ɀino, kana Davidi acimutumidza Ishe, uŋgagoʋa mŋanakomana wake seiko? Kwakaŋga kusinomunhu wakagona kumupindura shoko, ʋuye kwakaŋga kusinomunhu wakatsuŋga kumubvunza cinhu pazuʋa iro.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 22

Mateo 22:23-46 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)