Mateo 22:19-21
Mateo 22:19-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndiratidzei mari inoshandiswa pakutera mutero.” Vakamuvigira dhenari uye akavabvunza akati, “Ko, mufananidzo uyu ndowaani uye runyoro urwu ndorwaani?” Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.” Ipapo akati kwavari, “Ipai kuna Kesari zvaKesari, uye kuna Mwari zvaMwari.”
Mateo 22:19-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndiratidzei mari yomutero.” Vakauya kwaari nedhenari. Zvino akati kwavari, “Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvaani?” Vakati kwaari, “ZvaKesari.” Akati kwavari, “Naizvozvo, ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.”
Mateo 22:19-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndiratidzei mari yacho yamunotera nayo mutero.” Vakamuunzira mari chena yainzi dhenari. Jesu ndokuti kwavari, “Ko mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvani?” Vakati, “NdezvaSiza.” Iye ndokuvati, “Ipai zvaSiza kuna Siza, mupewo zvaMwari kuna Mwari.”
Mateo 22:19-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndiratidzei mari yomutero. Ʋakaʋuya kwaari nedenari. Ɀino akati kwaʋari: Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndeɀani? Ʋakati kwaari: ⱿaKesari. Akati kwaʋari: Naiɀoɀo, ipai Kesari ɀaKesari, naMŋari ɀaMŋari.
Mateo 22:19-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)