Mateo 22:1-4
Mateo 22:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akataurazve kwavari nemifananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana namambo akagadzirira mwanakomana wake mutambo wesvitsa. Akatuma varanda vake kuna avo vainge vakakokwa kumutambo kuti vachiuya, asi vakaramba kuuya. “Ipapo akatumazve vamwe varanda achiti, ‘Taurirai vose vakakokwa kuti ndagadzirira mabiko: Ndabaya nzombe nemombe dzakakodzwa uye zvose zvagadzirirwa. Uyai kumutambo wesvitsa.’
Mateo 22:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jesu akapindura, akataurazve navo nemifananidzo, akati, “Ushe hwedenga hungafananidzwa nomumwe mambo, wakaitira mwanakomana wake mutambo wokuchata; akatuma varanda vake kundodana avo vakanga vakokerwa kumutambo wokuchata; vakaramba kuuya. Akatumazve vamwe varanda, akati, ‘Udzai vakakokwa, muti, tarirai, ndagadzira mabiko angu; nzombe dzangu nezvakakora zvangu zvabayiwa, zvinhu zvose zvagadzirwa; uyai kumutambo wokuchata.’
Mateo 22:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akataurazve kwavari nemienzaniso achiti, “Umambo hwedenga hungafanidzwe namambo akaitira mwanakomana wake mabiko omuchato. Akatuma varanda vake kundodaidza avo vakanga vakokwa kumabiko omuchato; asi havana kuda kuuya. Akatumazve vamwe varanda achiti indotaurirai vakakokwa vaya kuti, ‘Onai, ndagadzirira mabiko angu, ndabaya mombe, ndikabaya zvimhuru zvangu zvakakora. Zvose zvagadzirirwa. Chiuyai kumabiko omuchato.’
Mateo 22:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jesu wakapindura, akataura ɀe naʋo nemifananidzo, akati: Ʋushe bgokuɗeŋga bguŋgafananidzwa nomumŋe mambo, wakaitira mŋanakomana wake mutambo wokuwana; akatuma ʋaranda ʋake kundoɗana aʋo ʋakaŋga ʋakokerwa kumutambo wokuwana; ʋakaramba kuʋuya. Akatuma ɀe ʋamŋe ʋaranda, akati: Ʋudzai ʋakakokerwa, muti: Tarirai, ndagadzira ciȿuȿuro caŋgu; nzombe dzaŋgu neɀakakora ɀaŋgu ɀaɓayiwa, ɀinhu ɀose ɀagadzirwa; ʋuyai kumutambo wokuwana.
Mateo 22:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)