Mateo 22:1-10
Mateo 22:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akataurazve kwavari nemifananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana namambo akagadzirira mwanakomana wake mutambo wesvitsa. Akatuma varanda vake kuna avo vainge vakakokwa kumutambo kuti vachiuya, asi vakaramba kuuya. “Ipapo akatumazve vamwe varanda achiti, ‘Taurirai vose vakakokwa kuti ndagadzirira mabiko: Ndabaya nzombe nemombe dzakakodzwa uye zvose zvagadzirirwa. Uyai kumutambo wesvitsa.’ “Asi hapana akateerera uye vakaenda mumwe kumunda wake, mumwewo kune rimwe basa rake. Vamwe vavo vakabata varanda vake vakavaitira zvakaipa uye vakavauraya. Mambo akatsamwa kwazvo. Akatuma hondo yake kundoparadza vaurayi vaya uye akapisa guta ravo. “Ipapo akati kuvaranda vake, ‘Mutambo wesvitsa wagadzirirwa asi vaya vandakakoka vakanga vasingakodzeri kuti vauye. Endai kumharadzano dzenzira mundokoka kumutambo ani zvake wamuchawana.’ Saka varanda vakaenda mumigwagwa vakandokokorodza vose vavakagona kuwana, vose vakanaka nevakaipa, uye imba yesvitsa ikazara navakanga vakokwa.
Mateo 22:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jesu akapindura, akataurazve navo nemifananidzo, akati, “Ushe hwedenga hungafananidzwa nomumwe mambo, wakaitira mwanakomana wake mutambo wokuchata; akatuma varanda vake kundodana avo vakanga vakokerwa kumutambo wokuchata; vakaramba kuuya. Akatumazve vamwe varanda, akati, ‘Udzai vakakokwa, muti, tarirai, ndagadzira mabiko angu; nzombe dzangu nezvakakora zvangu zvabayiwa, zvinhu zvose zvagadzirwa; uyai kumutambo wokuchata.’ Asi havana kurangarira, vakaenda, mumwe kumunda wake, mumwe kukutengesa kwake; vamwe vakabata varanda vake, vakavaitira zvakaipa, vakavauraya. Zvino mambo akatsamwa, akatuma hondo dzake, akaparadza vaya vakauraya, varanda vake akapisa guta ravo. “Zvino akati kuvaranda vake, ‘Mutambo wokuchata wakagadzirwa, asi vakanga vakokerwa vakanga vasina kufanirwa. Naizvozvo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumutambo vose vamuNowana.’ Varanda ivavo vakaenda kunzira, vakaunganidza vose vavakawana, vakaipa navakanaka; imba yomuchato ikazara navagere pakudya.
Mateo 22:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akataurazve kwavari nemienzaniso achiti, “Umambo hwedenga hungafanidzwe namambo akaitira mwanakomana wake mabiko omuchato. Akatuma varanda vake kundodaidza avo vakanga vakokwa kumabiko omuchato; asi havana kuda kuuya. Akatumazve vamwe varanda achiti indotaurirai vakakokwa vaya kuti, ‘Onai, ndagadzirira mabiko angu, ndabaya mombe, ndikabaya zvimhuru zvangu zvakakora. Zvose zvagadzirirwa. Chiuyai kumabiko omuchato.’ Asi ivo havana kumboita hanya nazvo, vakabva vatoenda zvavo, mumwe kupurazi yake, mumwe kushawo yake. “Vamwewo vakatobata varanda vake vakavafumura vakavauraya. Mambo akashatirwa akatumira masoja ake akaparadza mhondi idzodzo. Akapisa guta ravo. Akazoti kuvaranda vake, ‘Muchato wagadzirirwa asi vaya vakakokwa vanga vasina kukodzera. Saka endai pamharadzano dzemigwagwa mundokoka kumabiko omuchato vose vamunenge makwanisa kuwana.’ Varanda vaya vakafamba nemigwagwa vakakokorodza vose vavakakwanisa kuwana, vakanaka navakaipa. Saizvozvo zimba romuchato rakazara navakanga vakokwa.
Mateo 22:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jesu wakapindura, akataura ɀe naʋo nemifananidzo, akati: Ʋushe bgokuɗeŋga bguŋgafananidzwa nomumŋe mambo, wakaitira mŋanakomana wake mutambo wokuwana; akatuma ʋaranda ʋake kundoɗana aʋo ʋakaŋga ʋakokerwa kumutambo wokuwana; ʋakaramba kuʋuya. Akatuma ɀe ʋamŋe ʋaranda, akati: Ʋudzai ʋakakokerwa, muti: Tarirai, ndagadzira ciȿuȿuro caŋgu; nzombe dzaŋgu neɀakakora ɀaŋgu ɀaɓayiwa, ɀinhu ɀose ɀagadzirwa; ʋuyai kumutambo wokuwana. Asi haʋana‐kuraŋgarira, ʋakaenda, mumŋe kumunda wake, mumŋe kukuteŋgesa kwake; ʋamŋe ʋakaɓata ʋaranda ʋake, ʋakaʋaitira ɀakaipa, ʋakaʋaʋuraya. Ɀino mambo wakatsamŋa, akatuma hondo dzake, akaparadza ʋaya ʋakaʋaʋuraya, akapisa guta raʋo. Ɀino akati kuʋaranda ʋake: Mutambo wokuwana wakagadzirwa, asi ʋakaŋga ʋakokerwa ʋakaŋga ʋasina‐kufanirwa. Naiɀoɀo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumutambo ʋose ʋamunowana. Ʋaranda iʋaʋo ʋakaɓuɗira kunzira, ʋakaʋuŋganidza ʋose ʋaʋakawana, ʋakaipa naʋakanaka; imba yokuwana ikazara naʋagere pakudya.
Mateo 22:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)