Mateo 21:8-9
Mateo 21:8-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vanhu vazhinji vakawarira nguo dzavo mumugwagwa, vamwewo vakatema mapazi emiti vakaawarira mumugwagwa. Vazhinji vakanga vakatungamira mberi navaya vakanga vachitevera vakadanidzira vachiti: “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi!” “Akaropafadzwa uyo anouya muzita raIshe!” “Hosana kumusoro-soro!”
Mateo 21:8-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vazhinji pakati pavanhu vakawarira nguo dzavo munzira; vamwe vakatema matavi emiti vakaawarira munzira. Vanhu vazhinji vakanga vakamutungamirira, navakanga vachitevera, vakadanidzira, vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi! Ngaakudzwe iye anouya muzita raIshe! Hosana kumusorosoro!”
Mateo 21:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vanhu vazhinji vegurumwandira riya vakawaridza hanzu dzavo mumugwagwa. Vamwe vakakwanhura masanzu emiti vachiawarira mumugwagwa. Gurusvusvu ravanhu vaiva mberi nevaimutevera vaidaidzira vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi, ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi. Hosana kumusorosoro.”
Mateo 21:8-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋazhinji pakati paʋanhu ʋakawarira ŋguʋo dzaʋo munzira; ʋamŋe ʋakatema mataʋi emiti ʋakaawarira munzira. Ʋanhu ʋazhinji ʋakaŋga ʋakamutuŋgamirira, naʋakaŋga ʋaciteʋera, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Hosana kuMŋanakomana waDavidi! Ŋgaakudzwe iye unoʋuya muzita raShe! Hosana kumsoro‐soro!
Mateo 21:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)