Mateo 21:6-11
Mateo 21:6-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vadzidzi vakaenda vakandoita sezvavakanga varayirwa naJesu. Vakauya nembongoro nomwana wayo, vakaisa nguo dzavo pamusoro padzo, uye Jesu akagara pamusoro padzo. Vanhu vazhinji vakawarira nguo dzavo mumugwagwa, vamwewo vakatema mapazi emiti vakaawarira mumugwagwa. Vazhinji vakanga vakatungamira mberi navaya vakanga vachitevera vakadanidzira vachiti: “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi!” “Akaropafadzwa uyo anouya muzita raIshe!” “Hosana kumusoro-soro!” Jesu akati apinda muJerusarema, guta rose rakazungunuswa, vakabvunza vachiti, “Ndianiko uyu?” Vazhinji vakati, “Uyu ndiye Jesu, muprofita anobva kuNazareta kuGarirea.”
Mateo 21:6-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vadzidzi vakaenda, vakaita sezvavakarairwa naJesu, vakauya nedhongi nemwana waro, vakaisa nguo dzavo pamusoro paro; Jesu ndokuritasva. Vazhinji pakati pavanhu vakawarira nguo dzavo munzira; vamwe vakatema matavi emiti vakaawarira munzira. Vanhu vazhinji vakanga vakamutungamirira, navakanga vachitevera, vakadanidzira, vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi! Ngaakudzwe iye anouya muzita raIshe! Hosana kumusorosoro!” Akati apinda Jerusaremu, guta rose rikapesaniswa, vanhu vakati, “Uyu ndianiko?” Vanhu vazhinji vakati, “NdiJesu muporofita weNazareta reGariria.”
Mateo 21:6-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vadzidzi vakaenda vakandoita sezvavakanga vataurirwa naJesu. Vakaunza dhongi nemwana waro. Vakawaridza hanzu dzavo pamadhongi aya, Jesu akabva atasva. Vanhu vazhinji vegurumwandira riya vakawaridza hanzu dzavo mumugwagwa. Vamwe vakakwanhura masanzu emiti vachiawarira mumugwagwa. Gurusvusvu ravanhu vaiva mberi nevaimutevera vaidaidzira vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi, ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi. Hosana kumusorosoro.” Paakapinda muJerusaremu, guta rose rakanyanduka richiti, “Ndiani uyu?” Vanhu vazhinji vakati, “Uyu ndiye muporofita Jesu wokuNazareti yokuGarirea.”
Mateo 21:6-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋadzidzi ʋakaenda, ʋakaita seɀaʋakarairwa naJesu, ʋakaʋuya nemboŋgoro nemhuru, ʋakaisa ŋguʋo dzaʋo pamsoro padzo; akagara pamsoro padzo. Ʋazhinji pakati paʋanhu ʋakawarira ŋguʋo dzaʋo munzira; ʋamŋe ʋakatema mataʋi emiti ʋakaawarira munzira. Ʋanhu ʋazhinji ʋakaŋga ʋakamutuŋgamirira, naʋakaŋga ʋaciteʋera, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Hosana kuMŋanakomana waDavidi! Ŋgaakudzwe iye unoʋuya muzita raShe! Hosana kumsoro‐soro! Wakati apinda Jerusarema, guta rose rikapesaniswa, ʋanhu ʋakati: Uyu ndianiko? Ʋanhu ʋazhinji ʋakati: NdiJesu muprofita weNazareta reGarirea.
Mateo 21:6-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)