Mateo 21:38 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 21:38 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Asi varimi pavakaona mwanakomana vakataurirana vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Uyai timuuraye, tigotora nhaka yake.’
Mateo 21:38 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi varimi vakati vachiona mwanakomana, vakataurirana, vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai timuuraye, titore nhaka yake.’
Mateo 21:38 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Asi ʋarimi ʋakati ʋaciʋona mŋanakomana, ʋakataurirana, ʋaciti: Uyu ndiye mugari wenhaka; ʋuyai timuʋuraye, titore nhaka yake.
Mateo 21:38 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vaya vaishandisa munda pavakaona mwanakomana uya vakati pachavo, ‘Uyu ndiyeka mugari wenhaka, uyai timuuraye tizotora nhaka yake.’
Mateo 21:38 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Vaya vaishandisa munda pavakaona mwanakomana uya vakati pachavo, ‘Uyu ndiyeka mugari wenhaka, uyai timuuraye tizotora nhaka yake.’