Mateo 21:12-13
Mateo 21:12-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akapinda munzvimbo yetemberi akadzinga vose vaitenga nokutengesa. Akapidigura tafura dzavaitsinhanha mari nezvigaro zvavaitengesa njiva. Akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera,’ asi imi mava kuiita ‘bako ramakororo.’ ”

Mateo 21:12-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jesu akapinda mutemberi, akabudisa vose vaitengesa navaitenga mutemberi; akawisa matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva, akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera,’ asi imi munoiita bako ramakororo.”
Mateo 21:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akapinda muTemberi yaMwari akadzinga vakanga vachitengesa nokutenga muTemberi. Akapidigurira pasi tafura dzavanhu vokutsinhanisa mari nezvigaro zvaavo vaitengesa hangaiwa. Akati kwavari zvakanyorwa zvichinzi, “Imba yangu ichanzi imba yokunamatira. Asi imi muri kuiita bako ramakororo.”
Mateo 21:12-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jesu wakapinda mutembere, akaɓuɗisa ʋose ʋaiteŋgesa naʋaiteŋga mutembere; akawisa matafura aʋaitsinhanhisa mari, neɀigaro ɀaʋaiteŋgesa njiʋa, akati kwaʋari: Kwakanyorwa kucinzi: Imba yaŋgu icanzi imba yokunyeŋgetera, asi imi munoiita ɓako ramakororo.
Mateo 21:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)