Mateo 21:10-11
Mateo 21:10-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akati apinda muJerusarema, guta rose rakazungunuswa, vakabvunza vachiti, “Ndianiko uyu?” Vazhinji vakati, “Uyu ndiye Jesu, muprofita anobva kuNazareta kuGarirea.”
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 21Mateo 21:10-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati apinda Jerusaremu, guta rose rikapesaniswa, vanhu vakati, “Uyu ndianiko?” Vanhu vazhinji vakati, “NdiJesu muporofita weNazareta reGariria.”
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 21Mateo 21:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Paakapinda muJerusaremu, guta rose rakanyanduka richiti, “Ndiani uyu?” Vanhu vazhinji vakati, “Uyu ndiye muporofita Jesu wokuNazareti yokuGarirea.”
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 21