Mateo 21:1-22
Mateo 21:1-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakati voswedera kuJerusarema uye vasvika muBhetifage pagomo reMiorivhi, Jesu akatuma vadzidzi vaviri, achiti kwavari, “Endai kumusha wamakatarisana nawo uye imomo muchaona mbongoro yakasungirirwa pamwe chete nomwana wayo. Mudzisunungure muuye nadzo kwandiri. Kana pano munhu anotaura chinhu kwamuri, mumuudze kuti, Ishe anodzida uye achadzidzosa nokukurumidza.” Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zvakataurwa kubudikidza nomuprofita achiti: “Muti kuMwanasikana weZioni, ‘Tarira, Mambo wako anouya kwauri, ari munyoro, akatasva mbongoro, ari pamusoro pomwana wembongoro.’ ” Vadzidzi vakaenda vakandoita sezvavakanga varayirwa naJesu. Vakauya nembongoro nomwana wayo, vakaisa nguo dzavo pamusoro padzo, uye Jesu akagara pamusoro padzo. Vanhu vazhinji vakawarira nguo dzavo mumugwagwa, vamwewo vakatema mapazi emiti vakaawarira mumugwagwa. Vazhinji vakanga vakatungamira mberi navaya vakanga vachitevera vakadanidzira vachiti: “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi!” “Akaropafadzwa uyo anouya muzita raIshe!” “Hosana kumusoro-soro!” Jesu akati apinda muJerusarema, guta rose rakazungunuswa, vakabvunza vachiti, “Ndianiko uyu?” Vazhinji vakati, “Uyu ndiye Jesu, muprofita anobva kuNazareta kuGarirea.” Jesu akapinda munzvimbo yetemberi akadzinga vose vaitenga nokutengesa. Akapidigura tafura dzavaitsinhanha mari nezvigaro zvavaitengesa njiva. Akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera,’ asi imi mava kuiita ‘bako ramakororo.’ ” Mapofu navakaremara vakauya kwaari kutemberi, uye akavaporesa. Asi vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro pavakaona zvinhu zvinoshamisa zvaakaita, uye vana vachidanidzira mutemberi vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi,” vakatsamwa. Vakamubvunza vachiti, “Uri kunzwa zviri kurehwa navana ava here?” Jesu akavapindura achiti, “Hongu, hamuna kurava here panoti: “ ‘Pamiromo yavana navacheche makaisa rumbidzo’?” Uye akavasiya akabuda muguta umu akaenda kuBhetani kwaakandovata. Mangwanani-ngwanani, paakanga ari munzira achidzokera kuguta, akanzwa nzara. Akati aona muonde pedyo nomugwagwa, akatsaukira pauri asi haana kuwana chinhu pauri kunze kwamashizha. Ipapo akati kwauri, “Ngakurege kuva nemicherozve pauri!” Pakarepo muti uya wakabva wasvava. Vadzidzi vakati vazviona, vakakatyamara, vakati, “Ko, muonde uyu wabva wasvava pakarepo sei?” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti kana mune kutenda uye musingakahadziki, hamungaiti zvaitwa kumuonde uyu chete, asi munogonawo kuti kugomo iri, ‘Enda undozvikanda mugungwa’ uye zvichaitika. Kana muchitenda, muchagamuchira zvose zvamunokumbira mukunyengetera.”
Mateo 21:1-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakati vachisvika Bhetifage, pagomo reMiorivhi, Jesu akatuma vadzidzi vaviri, akati kwavari, “Endai kumusha wakatarisana nemi, pakarepo muchawana dhongi nemwana waro akasungirirwa, murisunungure, muuye naro kwandiri. Kana ani naani achitaura chinhu kwamuri, muti, ‘Ishe anorida;’ pakarepo acharidzosa.” Izvozvo zvakaitwa, kuti zvakataurwa nomuporofita zviitike, paakati, “Udzai mwanasikana weZioni, Tarira Mambo wako anouya kwauri, Ari munyoro, akatasva dhongi, Nemhuru yechipfuwo chinokweva.” Vadzidzi vakaenda, vakaita sezvavakarairwa naJesu, vakauya nedhongi nemwana waro, vakaisa nguo dzavo pamusoro paro; Jesu ndokuritasva. Vazhinji pakati pavanhu vakawarira nguo dzavo munzira; vamwe vakatema matavi emiti vakaawarira munzira. Vanhu vazhinji vakanga vakamutungamirira, navakanga vachitevera, vakadanidzira, vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi! Ngaakudzwe iye anouya muzita raIshe! Hosana kumusorosoro!” Akati apinda Jerusaremu, guta rose rikapesaniswa, vanhu vakati, “Uyu ndianiko?” Vanhu vazhinji vakati, “NdiJesu muporofita weNazareta reGariria.” Zvino Jesu akapinda mutemberi, akabudisa vose vaitengesa navaitenga mutemberi; akawisa matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva, akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera,’ asi imi munoiita bako ramakororo.” Zvino mapofu navaikamhinha vakauya kwaari mutemberi akavaporesa. Asi vapristi vakuru navanyori vakati vachiona zvinoshamisa zvaakanga achiita, navana vachidanidzira mutemberi, vachiti, “Hosana Mwanakomana waDhavhidhi!” vakafa neshungu, vakati kwaari, “Unonzwa zvavanotaura ivavo here?” Jesu akati kwavari, “Hongu,” hamuna kutongorava here, panoti, “Mumiromo yavacheche navanomwa makakwanisa kukudza?” Akavasiya, akabva muguta, akaenda Bhetania, kwaakandovata. Mangwanani akati achidzokera kuguta, akanzwa nzara. Zvino, akati achiona muonde mumwe panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha bedzi; akati kwauri, “Ngakurege kuva nemichero kwauri nokusingaperi.” Muonde ukaoma pakarepo. Vadzidzi vakati vachizviona, vakashamiswa, vakati, “Muonde waoma pakarepo seiko?” Jesu akapindura, akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, dai maiva nokutenda, musinganyunyuti, hamungaiti izvi zvomuonde bedzi, asi kana mukati kugomo iri, ‘Simudzwa, ukandirwe mugungwa,’ zvichaitwa. Nezvose zvamunokumbira muchinyengetera, kana muchitenda, muchazvipiwa.”
Mateo 21:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvavakanga vavakusvika pedyo neJerusaremu, vakasvika kuBhetifage, pagomo reMiorivhi. Jesu akatuma vadzidzi vaviri achiti kwavari, “Endai mumusha wakatarisana nemi muchasvikowana dhongi rakasungirirwa nomwana waro Asunungurei muuye nawo kwandiri. Kana mumwe munhu akataura chinhu kwamuri, mutaurirei kuti, ‘Tenzi anoada uye achaadzosa nokukurumidza.’ ” Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zvakataurwa nomuporofita achiti, “Taurirai mukunda, guta reZioni, kuti, tarira uone Mambo wako ari kuuya kwauri akazvininipisa, akatasva padhongi, padhongwana mwana wedhongi.” Vadzidzi vakaenda vakandoita sezvavakanga vataurirwa naJesu. Vakaunza dhongi nemwana waro. Vakawaridza hanzu dzavo pamadhongi aya, Jesu akabva atasva. Vanhu vazhinji vegurumwandira riya vakawaridza hanzu dzavo mumugwagwa. Vamwe vakakwanhura masanzu emiti vachiawarira mumugwagwa. Gurusvusvu ravanhu vaiva mberi nevaimutevera vaidaidzira vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi, ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi. Hosana kumusorosoro.” Paakapinda muJerusaremu, guta rose rakanyanduka richiti, “Ndiani uyu?” Vanhu vazhinji vakati, “Uyu ndiye muporofita Jesu wokuNazareti yokuGarirea.” Jesu akapinda muTemberi yaMwari akadzinga vakanga vachitengesa nokutenga muTemberi. Akapidigurira pasi tafura dzavanhu vokutsinhanisa mari nezvigaro zvaavo vaitengesa hangaiwa. Akati kwavari zvakanyorwa zvichinzi, “Imba yangu ichanzi imba yokunamatira. Asi imi muri kuiita bako ramakororo.” Mapofu nemhetamakumbo vakauya kwaari muTemberi akavarapa. Vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo pavakaona zvinaniso zvaakaita navana vaduku vaidaidzira muTemberi vachiti, “Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi” vakashatirwa. Vakati kwaari, “Uri kunzwa here zviri kutaurwa navava.” Jesu akati kwavari, “Hongu, asi hamuna kumboverenga here kuti: “ ‘Mumiromo yavapwere navanoyamwa, makaburitsa kurumbidza kwakanakisisa.’ ” Jesu akavasiya akabuda muguta akaenda kuBhetania akagarako. Mangwanani paakanga ava kudzokera kuguta kuya, akanzwa nzara. Paakaona muonde parutivi penzira akaenda pauri. Hapana chaakawana pauri kunze kwamashizha chete. Akati kwauri, “Usazombofa wakabereka muchero zvakare.” Muonde wakabva wauna pakarepo. Vadzidzi pavakazviona vakashamiswa vachiti, “Ko muonde uyu wauna sei pakare pakarepo kudai?” Jesu ndokuvapindura achiti, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri, ‘Kana muine chitendero uye musingakahadziki hamuiti chete zvaitika kumuonde asi kunyange mukati kugomo iri simudzwa ukandwe munyanza zvichaitwa. Chipi nechipi chamunokumbira mumunamato, muchazvigashira kana muine chitendero.’ ”
Mateo 21:1-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakati ʋacisweɗera Jerusarema, ʋakaȿika Betefage, pagomo reMiorivi, Jesu akatuma ʋadzidzi ʋaʋiri, akati kwaʋari: Endai kumusha wakatarisana nemi, pakarepo mucawana mboŋgoro yakasuŋgirwa, inemhuru yayo; mudzisunuŋgure, muʋuye nadzo kwandiri. Kana aninani acitaura cinhu kwamuri, muti: Ishe unodziɗa; pakarepo ucadzituma. Iɀoɀo ɀakaitwa, kuti ɀakataurwa nomuprofita ɀiitike, paakati: Ʋudzai mŋanasikana weZioni: Tarira Mambo wako unoʋuya kwauri, Ari munyoro, akataȿa mboŋgoro, Nemhuru yecipfuwo cinokweʋa. Ʋadzidzi ʋakaenda, ʋakaita seɀaʋakarairwa naJesu, ʋakaʋuya nemboŋgoro nemhuru, ʋakaisa ŋguʋo dzaʋo pamsoro padzo; akagara pamsoro padzo. Ʋazhinji pakati paʋanhu ʋakawarira ŋguʋo dzaʋo munzira; ʋamŋe ʋakatema mataʋi emiti ʋakaawarira munzira. Ʋanhu ʋazhinji ʋakaŋga ʋakamutuŋgamirira, naʋakaŋga ʋaciteʋera, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Hosana kuMŋanakomana waDavidi! Ŋgaakudzwe iye unoʋuya muzita raShe! Hosana kumsoro‐soro! Wakati apinda Jerusarema, guta rose rikapesaniswa, ʋanhu ʋakati: Uyu ndianiko? Ʋanhu ʋazhinji ʋakati: NdiJesu muprofita weNazareta reGarirea. Ɀino Jesu wakapinda mutembere, akaɓuɗisa ʋose ʋaiteŋgesa naʋaiteŋga mutembere; akawisa matafura aʋaitsinhanhisa mari, neɀigaro ɀaʋaiteŋgesa njiʋa, akati kwaʋari: Kwakanyorwa kucinzi: Imba yaŋgu icanzi imba yokunyeŋgetera, asi imi munoiita ɓako ramakororo. Ɀino mapofu naʋaikamhina ʋakaʋuya kwaari mutembere, akaʋaporesa. Asi ʋaprista ʋakuru naʋanyori ʋakati ʋaciʋona ɀinoshamisa ɀaakaŋga aciita, naʋana ʋaciɗanidzira mutembere, ʋaciti: Hosana kuMŋanakomana waDavidi! ʋakafa neshuŋgu, ʋakati kwaari: Unonzwa ɀaʋanotaura iʋaʋo here? Jesu akati kwaʋari: Hoŋo, hamuna‐kutoŋgoraʋa here, panoti: mumiromo yaʋacece naʋanomŋa makakwanisa kukudza? Akaʋasiya, akabva muguta, akaenda Betania, ndokuʋata’po. Maŋgwanani wakati acidzokera kuguta, akanzwa nzara. Ɀino, wakati aciʋona muʋonde mumŋe panzira, akaenda kwauri, akasawana cinhu kwauri, asi mashizha ɓedzi; akati kwauri: Ŋgakurege kuʋa neɀiɓereko kwauri nokusiŋgaperi. Muʋonde ukawoma pakarepo. Ʋadzidzi ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakashamiswa, ʋakati: Muʋonde wawoma pakarepo seiko? Jesu akapindura, akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ƌai maiʋa nokutenda, musiŋganyunyuti, hamuŋgaiti iɀi ɀomuʋonde ɓedzi, asi kana mukati kugomo iri: Simudzwa, ukandirwe muguŋgwa, ɀicaitwa. Neɀose ɀamunokumbira mucinyeŋgetera, kana mucitenda, mucaɀipiwa.
Mateo 21:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)