Mateo 20:29-34
Mateo 20:29-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu navadzidzi vake pavakabva kuJeriko, vanhu vazhinji kwazvo vakamutevera. Varume vaviri vaiva mapofu vakanga vagere parutivi rwenzira, pavakanzwa kuti Jesu ainge opfuura nepo vakadanidzira vachiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!” Vanhu vazhinji vakavatsiura vakavarayira kuti vanyarare, asi ivo vakanyanya kudanidzira vachiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!” Jesu akamira akavadana, akavabvunza achiti, “Munoda kuti ndikuitireiko?” Vakapindura vachiti, “Ishe, tinoda kuona.” Jesu akavanzwira tsitsi uye akabata meso avo. Pakarepo vakabva vaona uye vakamutevera.
Mateo 20:29-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakati vachibva Jeriko, vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera. Zvino tarira, mapofu maviri akanga agere panzira, akati achinzwa kuti Jesu opfuura, akadanidzira, achiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!” Vanhu vazhinji vakaarayira kuti anyarare; asi akanyanya kudanidzira, achiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!” Ipapo Jesu akamira, akaadana, akati, “Munoda kuti ndikuitireiko?” Akati kwaari, “Ishe, kuti meso edu asvinudzwe.” Jesu akaanzwira tsitsi, akabata meso awo; pakarepo akasvinudzwa, akamutevera.
Mateo 20:29-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu navadzidzi vake pavakanga vavakubuda muJeriko vakateverwa negurumwandira ravanhu. Havo varume vaviri vaiva mapofu vakanga vagere parutivi rwenzira, pavakanzwa kuti Jesu ari kupfuura nepo vakadaidzira vachiti, “Tinzwireiwo tsitsi, Mwanakomana waDhavhidhi.” Vanhu vazhinji vaya vakavatsiura vachivataurira kuti vanyarare, asi ivo vakatonyanya kudaidzira vachiti, “Tenzi Mwanakomana waDhavhidhi tinzwireiwo tsitsi.” Jesu akamira akavadaidza achiti, “Chii chamunoda kuti ndikuitirei?” Ivo vakati kwaari, “Tenzi, itai kuti maziso edu azaruke.” Jesu akavanzwira tsitsi akabata maziso avo. Pakarepo, ndokubva vava kuona vakamutevera.
Mateo 20:29-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakati ʋacibva Jeriko, ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakamuteʋera. Ɀino tarira, mapofu maʋiri akaŋga agere panzira, akati acinzwa kuti Jesu wopfuʋura, akaɗanidzira, aciti: Ishe, Mŋanakomana waDavidi, tinzwirei ŋgoni! Ʋanhu ʋazhinji ʋakaaraira kuti anyarare; asi akanyanya kuɗanidzira, aciti: Ishe, Mŋanakomana waDavidi, tinzwirei ŋgoni! Ipapo Jesu akamira, akaaɗana, akati: Munoɗa kuti ndikuitireiko? Akati kwaari: Ishe, kuti meso eɗu aȿinudzwe. Jesu akaanzwira tsitsi, akaɓata meso awo; pakarepo akaȿinudzwa, akamuteʋera.
Mateo 20:29-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)