Mateo 20:26-28
Mateo 20:26-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ngazvirege kudaro kwamuri. Asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu, uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yenyu, sezvazvakangoita kuti Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshandirwa asi kuzoshandira, nokupa upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.”
Mateo 20:26-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu. Ani naani anoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu. Zvakaita soMwanakomana womunhu asina kuuya kuzoshandirwa, asi kushandira, nokupa hupenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.”
Mateo 20:26-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi pakati penyu hazvifaniri kudaro. Asi uyo anenge achida kuva mukuru pakati penyu ngaave mushandiri wenyu. Uye ani naani anoda kuva wokutanga pakati penyu, anofanira kuva muranda wenyu. Kunyange Mwanakomana womunhu, haana kuuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira vamwe uye kuzopira upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.”
Mateo 20:26-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pakati penyu ŋgaɀirege kuʋa kuɗaro; asi aninani unoɗa kuʋa mukuru pakati penyu, ŋgaaʋe mushumiri wenyu. Aninani unoɗa kuʋa wokutaŋga pakati penyu, ŋgaaʋe muranda wenyu. Ɀakaita soMŋanakomana womunhu usina‐kuʋuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa ʋupenyu bgake ruʋe rudzikinuro rwaʋazhinji.
Mateo 20:26-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)