Mateo 20:20-22
Mateo 20:20-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo mai vavanakomana vaZebhedhi vakauya kuna Jesu navanakomana vavo, vakapfugama pamberi pake vaine chikumbiro. Akabvunza akati, “Munodeiko?” Ivo vakati, “Itaiwo kuti mumwe wavanakomana vangu vaviri ava agare kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu muumambo hwenyu.” Jesu akati, kwavari, “Hamuzivi zvamuri kukumbira. Mungagona kunwa mukombe wandichazonwa here?” Vakapindura vachiti, “Tinogona.”
Mateo 20:20-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mai vavanakomana vaZebhedhi vakauya kwaari navanakomana vavo, vachimupfugamira, kuzokumbira chinhu kwaari. Akati kwavari, “Munotsvakeiko?” Vakati kwaari, “Rayirai, kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, mumwe kurudyi rwenyu, mumwe kuruboshwe, muushe hwenyu.” Asi Jesu akapindura, akati, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kunwira mukombe pandinozonwira ini, here?” Vakati kwaari, “Tingagona.”
Mateo 20:20-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Amai vavanakomana vaZebhedhi vakauya kwaari nevanakomana vavo vakapfugama pamberi pake vakaisa chichemo chavo. Jesu akavati, “Munodeiko?” Ivo vakati kwaari, “Itai kuti, muumambo hwenyu, vanakomana vangu ava vaviri vagare vakati mumwe kurudyi rwenyu mumwe kuruboshwe rwenyu.” Jesu akapindura achiti, “Hamuzivi zvamuri kukumbira. Munogona here kunwa mukombe wamatambudziko wandichanwa.” Vakati kwaari, “Tinogona.”
Mateo 20:20-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mai ʋaʋanakomana ʋaZebedi ʋakaʋuya kwaari naʋanakomana ʋaʋo, ʋacimunamata, kuzokumbira cinhu kwaari. Akati kwaʋari: Munotȿakeiko? Ʋakati kwaari: Rairai kuti ʋanakomana ʋaŋgu aʋa ʋaʋiri ʋagare, mumŋe kuruʋoko rwenyu rworudyi, mumŋe kuruɓoshwe, muʋushe bgenyu. Asi Jesu akapindura, akati: Hamuziʋi ɀamunokumbira. Muŋgagona kunwira pamukombe pandinozonwira ini, here? Ʋakati kwaari: Tiŋgagona.
Mateo 20:20-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)