Mateo 20:13-15 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 20:13-15 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Asi akapindura mumwe wavo achiti, ‘Shamwari, handina chandakukanganisira. Ko, hauna kutenderana neni kushandira dhinari here? Tora mubayiro wako uende. Ndinoda kupa munhu ashanda kwokupedzisira zvakafanana nezvandakupa. Ko, handina kodzero here yokuita zvandinoda nemari yangu? Kana kuti iwe une godo nokuda kwokupa kwangu zvakawanda.’
Mateo 20:13-15 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akapindura, akati kunomumwe wavo, ‘Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hauna kutenderana neni kuti upiwe dhenari here? Tora zvako, uende, ndinoda kupa vokupedzisira sewe. Ko handina kutenderwa kuita pandinoda napo here? Ziso rako rakaipa, nokuti ini ndakanaka here?’ ”
Mateo 20:13-15 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Akapindura, akati kunomumŋe waʋo: Shamŋari, handikuitiri ɀisakarurama; hauna‐kutenderana neni kuti upiwe denari here? Tora ɀako, uende, ndinoɗa kupa wokupedzisira sewe. Ko handina‐kutenderwa kuita neɀaŋgu pandinoɗa napo here? Ziso rako rakaipa, nokuti ini ndakanaka here?
Mateo 20:13-15 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi iye akapindura mumwe wavo achiti, “Shamwari, handisi kukutadzira. Hauna kubvumirana neni here mubayiro wemari yedhenari? Iwe ingotora yako uende. Ndini ndasarudza zvangu kupa uyu wokupedzisira yakaenzana neyandakupa. Handibvumirwi here kuita madiro nezvinhu zvangu kana kuti une shanje nemwoyochena wangu here?
Mateo 20:13-15 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)