Mateo 2:7-8 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 2:7-8 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Herodhi akadana Vachenjeri pakavanda akavabvunzisisa nguva chaiyo yainge yaonekwa nyeredzi. Akavatuma kuBheterehema akati, “Endai mundotsvakisisa mwana uyu. Kana muchinge mamuwana, mugondizivisawo kuitira kuti neniwo ndigoenda kundomunamata.”
Mateo 2:7-8 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Herodhi akadana vachenjeri, vari voga, akavabvunzisisa nguva yakaonekwa nyeredzi navo, akavatuma Bheterehemu, akati, “Endai munatsobvunzisisa zvomwana; kana mamuwana, mundiudze, kuti neniwo ndiuye kuzomupfugamirawo.”
Mateo 2:7-8 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino Herode wakaɗana ʋacenjeri, ʋari ʋoga, akaʋabvunzisisa ŋguʋa yakaʋonekwa nyeredzi nayo, akaʋatuma Betrehema, akati: Endai munatsobvunzisisa ɀomŋana; kana mamuwana, mundiʋudze, kuti neni ʋo ndiʋuye kuzomunamata.
Mateo 2:7-8 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Herodhi akadaidza vangwaru vaya muchivande akanyatsovabvunzisisa kuti nyenyedzi yakaonekwa rinhi. Akavaendesa kuBheterehemu achiti, “Endai mundotsvagisisa mwana iyeyo. Kana mamuwana ndiunzireiwo shoko, kuti neniwo ndiende ndindomugwadamira.”
Mateo 2:7-8 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)