Mateo 2:7-10
Mateo 2:7-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Herodhi akadana Vachenjeri pakavanda akavabvunzisisa nguva chaiyo yainge yaonekwa nyeredzi. Akavatuma kuBheterehema akati, “Endai mundotsvakisisa mwana uyu. Kana muchinge mamuwana, mugondizivisawo kuitira kuti neniwo ndigoenda kundomunamata.” Mushure mokunge vanzwa zvainge zvataurwa naMambo, vakapfuurira mberi norwendo rwavo, uye nyeredzi yavakanga vaona kumabvazuva yakavatungamirira kusvikira yandomira panzvimbo paiva nomwana. Pavakaona nyeredzi, vakafara kwazvo.
Mateo 2:7-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Herodhi akadana vachenjeri, vari voga, akavabvunzisisa nguva yakaonekwa nyeredzi navo, akavatuma Bheterehemu, akati, “Endai munatsobvunzisisa zvomwana; kana mamuwana, mundiudze, kuti neniwo ndiuye kuzomupfugamirawo.” Vakati vanzwa mambo, vakaenda; zvino, tarira, nyeredzi yavakanga vaona kumabvazuva, yakavatungamirira, kusvikira yandomira pamusoro peimba makanga munomwana. Vakati vaona nyeredzi, vakafara nomufaro mukuru-kuru.
Mateo 2:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Herodhi akadaidza vangwaru vaya muchivande akanyatsovabvunzisisa kuti nyenyedzi yakaonekwa rinhi. Akavaendesa kuBheterehemu achiti, “Endai mundotsvagisisa mwana iyeyo. Kana mamuwana ndiunzireiwo shoko, kuti neniwo ndiende ndindomugwadamira.” Pavakapedza kunzwa mambo vakasimudzirazve rwendo rwavo. Nyenyedzi iya yavakanga vamboona kumabvazuva ndiye n'a–a pamberi pavo ichivatungamirira kusvikira yandomira pamusoro penzvimbo yaiva nemwana. Pavakaona nyenyedzi iya vakafara norufaro rukuru kwazvo.
Mateo 2:7-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Herode wakaɗana ʋacenjeri, ʋari ʋoga, akaʋabvunzisisa ŋguʋa yakaʋonekwa nyeredzi nayo, akaʋatuma Betrehema, akati: Endai munatsobvunzisisa ɀomŋana; kana mamuwana, mundiʋudze, kuti neni ʋo ndiʋuye kuzomunamata. Ʋakati ʋanzwa mambo, ʋakaenda; ɀino, tarira, nyeredzi yaʋakaŋga ʋaʋona kumabvazuʋa, yakaʋatuŋgamirira, kuȿikira yandomira pamsoro peimba pakaŋga panomŋana. Ʋakati ʋaʋona nyeredzi. ʋakafara nomufaro mukuru‐kuru.
Mateo 2:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)