Svetukira kuzviri mukati

Mateo 2:3-8 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mateo 2:3-8 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Mambo Herodhi akati achinzwa izvi, akatambudzika kwazvo pamwe chete neJerusarema rose. Kuzoti akokera pamwe chete vaprista navadzidzisi vomutemo, akavabvunza kwaizoberekerwa Kristu. Vakapindura vachiti, “MuBheterehema reJudhea nokuti izvi ndizvo zvakanyorwa nomuprofita achiti: “Asi iwe Bheterehema, munyika yeJudhea hausi muduku pamadzimambo ose aJudha, nokuti mauri muchabuda mutongi uyo achava mufudzi wavanhu vangu vaIsraeri.” Ipapo Herodhi akadana Vachenjeri pakavanda akavabvunzisisa nguva chaiyo yainge yaonekwa nyeredzi. Akavatuma kuBheterehema akati, “Endai mundotsvakisisa mwana uyu. Kana muchinge mamuwana, mugondizivisawo kuitira kuti neniwo ndigoenda kundomunamata.”

Mateo 2 BDSC

Mateo 2:3-8 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Mambo Herodhi akati achizvinzwa, akatambudzika kwazvo, neJerusaremu rose naye. Akakokera vapristi vakuru vose navanyori pakati pevanhu, akavabvunza kuti, “Kristu uchaberekerwepi.” Vakati kwaari, “MuBheterehemu reJudhea; nokuti ndizvo zvakanyorwa nomuporofita, zvichinzi; ‘Newe Bheterehemu, nyika yeJudhea, Hausi muduku kwazvo kuvabati vaJudha; Nokuti mauri muchabuda Mutungamiriri, Achafudza vanhu vangu vaIsiraeri.’ ” Zvino Herodhi akadana vachenjeri, vari voga, akavabvunzisisa nguva yakaonekwa nyeredzi navo, akavatuma Bheterehemu, akati, “Endai munatsobvunzisisa zvomwana; kana mamuwana, mundiudze, kuti neniwo ndiuye kuzomupfugamirawo.”

Mateo 2 SNA2002

Mateo 2:3-8 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Mambo Herode aciɀinzwa, wakamanikidzwa, neJerusarema rose naye. Akakokera ʋaprista ʋakuru ʋose naʋanyori ʋaʋanhu, akaʋabvunza kuti Kristu ucaɓerekwepi. Ʋakati kwaari: PaBetrehema reJudea; nokuti ndiɀo ɀakanyorwa nomuprofita, ɀicinzi: Newe Betrehema, nyika yeJudea, Hauzi muɗuku kwaɀo kuʋaɓati ʋaJuda; Nokuti kwauri Kucaɓuɗa Mutuŋgamiriri, Ucafudza ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri. Ɀino Herode wakaɗana ʋacenjeri, ʋari ʋoga, akaʋabvunzisisa ŋguʋa yakaʋonekwa nyeredzi nayo, akaʋatuma Betrehema, akati: Endai munatsobvunzisisa ɀomŋana; kana mamuwana, mundiʋudze, kuti neni ʋo ndiʋuye kuzomunamata.

Mateo 2 SUB1949

Mateo 2:3-8 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mambo Herodhi paakanzwa izvi, zvakamunetsa uye neJerusaremu yose. Akaunganidza vapristi vakuru vose nenyanzvi dzavanhu dzomutemo akavabvunzisisa kuti iye Kristu aizoberekererwa kupi. Vakamutaurira kuti, “MuBheterehemu yokuJudhea nokuti ndizvo zvakanyorwa nomuporofita zvichinzi, “ ‘Iwe Bheterehemu munyika yokwaJudha hausiwe muduku wokupedzesera pakati pavatongi vokwaJudha nokuti mauri muchabva mutongi achafudza vanhu vangu vaIsiraeri.’ ” Herodhi akadaidza vangwaru vaya muchivande akanyatsovabvunzisisa kuti nyenyedzi yakaonekwa rinhi. Akavaendesa kuBheterehemu achiti, “Endai mundotsvagisisa mwana iyeyo. Kana mamuwana ndiunzireiwo shoko, kuti neniwo ndiende ndindomugwadamira.”

Mateo 2 SCLB

Mateo 2:3-8 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mateo 2 SCLBD