Skip to content
Logo yeApp yeBhaibheri

Mateo 2:3-4 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mateo 2:3-4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Mambo Herodhi akati achinzwa izvi, akatambudzika kwazvo pamwe chete neJerusarema rose. Kuzoti akokera pamwe chete vaprista navadzidzisi vomutemo, akavabvunza kwaizoberekerwa Kristu.

Pakurirana nevamwe
Mateo 2 BDSC

Mateo 2:3-4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Mambo Herodhi akati achizvinzwa, akatambudzika kwazvo, neJerusaremu rose naye. Akakokera vapristi vakuru vose navanyori pakati pevanhu, akavabvunza kuti, “Kristu uchaberekerwepi.”

Pakurirana nevamwe
Mateo 2 SNA2002

Mateo 2:3-4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Mambo Herode aciɀinzwa, wakamanikidzwa, neJerusarema rose naye. Akakokera ʋaprista ʋakuru ʋose naʋanyori ʋaʋanhu, akaʋabvunza kuti Kristu ucaɓerekwepi.

Pakurirana nevamwe
Mateo 2 SUB1949

Mateo 2:3-4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mambo Herodhi paakanzwa izvi, zvakamunetsa uye neJerusaremu yose. Akaunganidza vapristi vakuru vose nenyanzvi dzavanhu dzomutemo akavabvunzisisa kuti iye Kristu aizoberekererwa kupi.

Pakurirana nevamwe
Mateo 2 SCLB

Mateo 2:3-4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mambo Herodhi paakanzwa izvi, zvakamunetsa uye neJerusaremu yose. Akaunganidza vapristi vakuru vose nenyanzvi dzavanhu dzomutemo akavabvunzisisa kuti iye Kristu aizoberekererwa kupi.

Pakurirana nevamwe
Mateo 2 SCLBD