Logo yeApp yeBhaibheri
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 2:2-3 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mateo 2:2-3 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

uye vakabvunza vakati, “Aripiko uyo achangoberekwa anova mambo wavaJudha? Takaona nyeredzi yake kumabvazuva, uye tauya kuzomunamata.” Mambo Herodhi akati achinzwa izvi, akatambudzika kwazvo pamwe chete neJerusarema rose.

Pakurirana nevamwe
Mateo 2 BDSC

Mateo 2:2-3 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

vakati, “Aripiko Mambo wavaJudha akazvarwa? Nokuti takaona nyeredzi yake kumabvazuva, tauya kuzomupfugamira.” Mambo Herodhi akati achizvinzwa, akatambudzika kwazvo, neJerusaremu rose naye.

Pakurirana nevamwe
Mateo 2 SNA2002

Mateo 2:2-3 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

ʋakati: Uripiko Mambo waʋaJuda wakaɀarwa? nokuti takaʋona nyeredzi yake kumabvazuʋa, taʋuya kuzomunamata. Mambo Herode aciɀinzwa, wakamanikidzwa, neJerusarema rose naye.

Pakurirana nevamwe
Mateo 2 SUB1949

Mateo 2:2-3 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

vachiti, “Ari kupiko mwana akaberekwa, mambo wavaJudha? Nokuti takaona nyenyedzi yake kumabvazuva zvino tauya kuzomugwadamira.” Mambo Herodhi paakanzwa izvi, zvakamunetsa uye neJerusaremu yose.

Pakurirana nevamwe
Mateo 2 SCLB

Mateo 2:2-3 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

vachiti, “Ari kupiko mwana akaberekwa, mambo wavaJudha? Nokuti takaona nyenyedzi yake kumabvazuva zvino tauya kuzomugwadamira.” Mambo Herodhi paakanzwa izvi, zvakamunetsa uye neJerusaremu yose.

Pakurirana nevamwe
Mateo 2 SCLBD