Mateo 2:14-15 - Compare All Versions
Mateo 2:14-15 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka akabva amuka ndokutora mwana namai vake usiku akatizira kuIjipiti, kwaakandogara kusvikira Herodhi afa. Saizvozvo zvakazadziswa zvakanga zvataurwa naShe kubudikidza nomuprofita achiti, “Ndakadana mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.”
Mateo 2:14-15 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akasimuka, akatora mwana namai vake usiku, akaenda Ijipiti, akagarako kusvikira Herodhi afa, kuti zviitike zvakarehwa naIshe nomuromo womuporofita, achiti, “Ndakadana mwanakomana wangu abve Ijipiti.”
Mateo 2:14-15 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Josefi akasimuka akatora mucheche naamai vake usiku, akaenda kuIjipiti. Akagarako kusvikira Herodhi afa. Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zvakanga zvamborehwa naTenzi nomuromo womuporofita zvokuti, “Ndakadaidza Mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.”
Mateo 2:14-15 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Akasimuka, akatora mŋana namai ʋake ʋusiku, akaenda Egipita, akagara’ko kuȿikira Herode afa, kuti ɀiitike ɀakarebga naShe nomuromo womuprofita, aciti: Ndakaɗana mŋanakomana waŋgu abve Egipita.
Mateo 2:14-15 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)