Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 2:13-23

Mateo 2:13-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino kuzoti vaenda, mutumwa waShe akazviratidza kuna Josefa mukurota, akati, “Kurumidza kutora mwana namai vake mutizire kuIjipiti. Mugareko kusvikira ndakuudzai, nokuti Herodhi achatsvaka mwana uyu kuti amuuraye.” Saka akabva amuka ndokutora mwana namai vake usiku akatizira kuIjipiti, kwaakandogara kusvikira Herodhi afa. Saizvozvo zvakazadziswa zvakanga zvataurwa naShe kubudikidza nomuprofita achiti, “Ndakadana mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.” Kuzoti Herodhi aziva kuti vachenjeri vaya vainge vamunzvenga, akashatirwa kwazvo, ndokubva arayira kuti vana vechikomana vose vaiva muBheterehema nomunzvimbo yakapoteredza vaiva namakore maviri zvichidzika vaurayiwe, maererano nenguva yaakanga audzwa naVachenjeri. Ipapo zvakarehwa kubudikidza nomuprofita Jeremia zvakazadziswa, zvinoti: “Inzwi rakanzwikwa muRama rokuchema nokuungudza kukuru, Rakeri achichema vana vake, uye achiramba kunyaradzwa nokuti havachipo.” Mushure mokufa kwaHerodhi, mutumwa waShe akazviratidza kuna Josefa muIjipiti mukurota akati, “Tora mwana namai vake mudzokere kunyika yeIsraeri nokuti vaya vaida kuuraya mwana vakafa.” Saka akasimuka akatora mwana namai vake akaenda kunyika yeIsraeri. Asi paakanzwa kuti Akerasi akanga otonga muJudhea panzvimbo yababa vake Herodhi, akatya kuendako. Akati ayambirwa mukurota, akabva aenda kudunhu reGarirea, uye akaenda akandogara muguta rainzi Nazareta. Izvi zvakabva zvazadzisa zvakarehwa kubudikidza navaprofita zvichinzi, “Achanzi muNazareta.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 2

Mateo 2:13-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Vazivi venyenyedzi vaya pavakaenda, hoyo mutumwa waTenzi akazviratidza kuna Josefi mukurota akati, “Simuka utore mwana naamai vake utizire kuIjipiti ugare ikoko kusvikira ndakutaurira nokuti Herodhi avakuda kutsvaka mwana kuti amuparadze.” Josefi akasimuka akatora mucheche naamai vake usiku, akaenda kuIjipiti. Akagarako kusvikira Herodhi afa. Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zvakanga zvamborehwa naTenzi nomuromo womuporofita zvokuti, “Ndakadaidza Mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.” Herodhi, paakaona kuti akanga abatiswa pasi navazivi vezvenyenyedzi vaya, akaviruka nehasha akatuma vanhu kundouraya vana vakomana vose muBheterehemu nomunharaunda iyoyo yose vakanga vana makore maviri kana makore ari pasi paiwayo maererano nenguva yaakanga ataurirwa navazivi venyenyedzi vaya. Zvakabva zvazadzisa zvakanga zvataurwa nomuporofita Jeremia zvokuti, “Izwi rakanzikwa muRama rokuchema nokuungudza kukuru, Rakeri achichema vana vake achiramba kunyaradzwa nokuti vakanga vasisipo.” Herodhi paakafa, hoyo mutumwa waTenzi akazvionesa kuna Josefi mukurota ari muIjipiti, achiti, “Chisimuka utore mwana naamai vake uende kunyika yeIsiraeri nokuti vaya vaida kuuraya mwana vakafa.” Josefi akasimuka akatora mwana naamai vake akaenda kunyika yeIsiraeri. Asi paakanzwa kuti Akerausi ndiye aitonga muJudhea panzvimbo pababa vake Herodhi, akatya kuendako. Paakayambirwa mukurota akabva aenda kuruwa rweGarirea. Akaenda akandogara muguta rinonzi Nazareti kuti zvakataurwa navaporofita zvizadziswe zvokuti, “Achanzi mugari weNazareti.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 2

Mateo 2:13-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)