Mateo 2:10-11
Mateo 2:10-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pavakaona nyeredzi, vakafara kwazvo. Vakati vasvika pamba apa, vakaona mwana namai vake Maria, uye vakakotamira pasi vakamunamata. Vakasunungura pfuma yavo vakapa zvipo zvegoridhe, nezvinonhuhwira nemura.
Mateo 2:10-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakati vaona nyeredzi, vakafara nomufaro mukuru-kuru. Vakapinda mumba, vakawana mwana naMaria mai vake; vakawira pasi, vakamupfugamira; vakasunungura mabutwa avo, vakamupa zvipo zvendarama, nezvinonhuwira, nemura.
Mateo 2:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pavakaona nyenyedzi iya vakafara norufaro rukuru kwazvo. Pavakapinda mumba imomo vakaona mwana pamwechete naamai vake Maria. Vakasvikoti pasi gwadagwa vachimuremekedza. Vakasunungura upfumi hwavo vachimupa zvipo zvendarama nerusenzi nemura.
Mateo 2:10-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakati ʋaʋona nyeredzi. ʋakafara nomufaro mukuru‐kuru. Ʋakapinda mumba, ʋakawana mŋana naMaria mai ʋake; ʋakawira pasi, ʋakamunamata; ʋakasunuŋgura fuma yaʋo, ʋakamupa ɀipo ɀendarama, neɀinonhuwira, nemura.
Mateo 2:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)