Mateo 2:1-2
Mateo 2:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mushure mokuberekwa kwaJesu muBheterehema reJudhea munguva yaMambo Herodhi, vachenjeri vaibva kumabvazuva vakasvika muJerusarema, uye vakabvunza vakati, “Aripiko uyo achangoberekwa anova mambo wavaJudha? Takaona nyeredzi yake kumabvazuva, uye tauya kuzomunamata.”
Mateo 2:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akati aberekwa muBheterehemu reJudhea, pamazuva amambo Herodhi, tarira, vachenjeri vakasvika Jerusaremu vachibva mabvazuva, vakati, “Aripiko Mambo wavaJudha akazvarwa? Nokuti takaona nyeredzi yake kumabvazuva, tauya kuzomupfugamira.”
Mateo 2:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino pakaberekwa Jesu muBheterehemu reJudhea pamazuva amambo Herodhi; havo vazivi vezvenyenyedzi vakabva kumabvazuva, vakauya kuJerusaremu vachiti, “Ari kupiko mwana akaberekwa, mambo wavaJudha? Nokuti takaona nyenyedzi yake kumabvazuva zvino tauya kuzomugwadamira.”
Mateo 2:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu wakati aɓerekwa paBetrehema reJudea, pamazuʋa amambo Herode, tarira, ʋacenjeri ʋakaȿika Jerusarema ʋacibva mabvazuʋa, ʋakati: Uripiko Mambo waʋaJuda wakaɀarwa? nokuti takaʋona nyeredzi yake kumabvazuʋa, taʋuya kuzomunamata.
Mateo 2:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)