Mateo 19:4-6 - Compare All Versions
Mateo 19:4-6 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akavapindura achiti, “Hamuna kuverenga here kuti kubva pakutanga Musiki akavaita munhurume nomunhukadzi, akati, ‘Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba namai vake agobatanidzwa nomukadzi wake, vaviri ava vachava nyama imwe chete?’ Saka havachisiri vaviri asi mumwe chete. Naizvozvo chabatanidzwa naMwari pamwe chete, hapana munhu anofanira kuchiparadzanisa.”
Mateo 19:4-6 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akapindura, akati, “Hamuna kurava here, kuti uyo akavasika pakutanga, akavaita munhurume nomunhukadzi?” Akati, “Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba vake namai vake, akanamatira mukadzi wake; ava vaviri vachava nyama imwe. Nokudaro havachiri vaviri, asi vava nyama imwe. Zvino, izvo Mwari zvaakasanganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.”
Mateo 19:4-6 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Jesu akavapindura achiti, “Hamuna kuverenga here kuti iye akavasika kubvira pakutanga, akavasika vari murume nomukadzi akati, ‘Nechikonzero ichochi murume achasiya baba naamai vake achiva akabatanidzwa nomukadzi wake.’ Vaviri ivavo vachiva nyama imwechete. Naizvozvo havachisiri vaviri asi vava nyama imwechete. Naizvozvo chinenge chabatanidzwa naMwari ngachirege kuparadzaniswa nomunhu.”
Mateo 19:4-6 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Akapindura, akati: Hamuna‐kuraʋa here, kuti uyo wakaʋasika pakutaŋga, wakaʋaita murume nomukadzi? Akati: Nokuɗa kwaiɀoɀo murume ucasiya ɓaɓa ʋake namai ʋake, akanamatira mukadzi wake; aʋa ʋaʋiri ʋacaʋa nyama imŋe. Nokuɗaro haʋaciri ʋaʋiri, asi nyama imŋe. Ɀino, iɀo Mŋari ɀaakasoŋganisa, munhu ŋgaarege kuɀiparadzanisa.
Mateo 19:4-6 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)