Mateo 19:23-26
Mateo 19:23-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Ndinokuudzai chokwadi, zvakaoma kuti mupfumi apinde muumambo hwokudenga. Ndinotizve zvakareruka kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” Vadzidzi vakati vanzwa izvi vakakatyamara zvikuru vakabvunza vachiti, “Ndiani zvino achaponeswa?” Jesu akavatarisa akati, “Kuvanhu izvi hazvigoneki asi kuna Mwari zvinhu zvose zvinogoneka.”
Mateo 19:23-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akati kuvadzidzi vake, “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, zvinoremera mupfumi kupinda muushe hwedenga. “Ndinoti kwamurizve, ngamera ingarerukirwa kupinda paburi petsono, kumupfumi kupinda muushe hwaMwari.” Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakakahadzika kwazvo, vakati, “Ndianiko angagoponeswa?” Jesu ndokuvatarira, akati kwavari, “Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvose zvinobvira.”
Mateo 19:23-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akati kuna vadzidzi vake, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri, ‘Zvichaoma zvikuru kuti mupfumi apinde muumambo hwedenga.’ Ndinotizve kwamuri, zvirinyore kuti nghamera ipinde napaburi retsono panokuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” Vadzidzi pavakanzwa izvi vakashamiswa zvikuru vachiti, “Ko zvino ndiani angagone kuponeswa?” Jesu akavatarisa akati kwavari, “Kuvanhu, izvi hazvigoneki asi pana Mwari zvinhu zvose zvinogoneka.”
Mateo 19:23-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu akati kuʋadzidzi ʋake: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Ɀinoremera mufumi kupinda muʋushe bgokuɗeŋga. Ndinoti kwamuri ɀe: Kamera iŋgarerukirwa kupinda paʋuri reɗumho, kumufumi kupinda muʋushe bgaMŋari. Ʋadzidzi ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakakahadzika kwaɀo, ʋakati: Ndianiko uŋgagoponeswa? Jesu ndokuʋatarira, akati kwaʋari: Kuʋanhu iɀi haɀibviri, asi kunaMŋari ɀose ɀinobvira.
Mateo 19:23-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)