Mateo 19:16-17
Mateo 19:16-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino mumwe murume akauya kuna Jesu akamubvunza achiti, “Mudzidzisi, ndechipi chinhu chakanaka chandingaita kuti ndiwane upenyu husingaperi?” Jesu akati kwaari, “Unondibvunzireiko pamusoro pezvakanaka? Kunongova noMumwe chete akanaka. Kana uchida kupinda muupenyu, teerera mirayiro.”
Mateo 19:16-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tarira, mumwe akauya kwaari, akati, “Mudzidzisi Wakanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipi, kuti ndive noupenyu husingaperi?” Akati kwaari, “Unondibvunzireiko pamusoro pezvakanaka? Aripo mumwechete akanaka. Asi kana uchida kupinda muupenyu, chengeta mirairo.”
Mateo 19:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mumwe murume akauya kwaari achiti, “Mudzidzisi chii chakanaka chandingaite kuti ndiwane upenyu husingaperi?” Jesu akati kwaari, “Unondibvunzireiko kuti chakanaka chii? Akanaka ariko mumwechete. Kana uchida kupinda muupenyu, chengeta mitemo.”
Mateo 19:16-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarira, mumŋe munhu wakaʋuya kwaari, akati: Mudzidzisi wakanaka, ndiŋgaita cinhu cakanaka cipi, kuti ndiʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi? Akati kwaari: Unondibvunzireiko pamsoro peɀakanaka? Uri’po mumŋe wakanaka. Asi kana uciɗa kupinda paʋupenyu, ceŋgeta mirairo.
Mateo 19:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)