Mateo 19:1-30 - Compare All Versions
Mateo 19:1-30 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi, akabva kuGarirea akaenda kudunhu reJudhea mhiri kwaJorodhani. Vanhu vazhinji zhinji vakamutevera uye akavaporesa ikoko. Vamwe vaFarisi vakauya kwaari kuzomuedza. Vakamubvunza vachiti, “Zviri pamutemo here kuti murume arambe mukadzi wake nokuda kwechikonzero chipi nechipi zvacho?” Akavapindura achiti, “Hamuna kuverenga here kuti kubva pakutanga Musiki akavaita munhurume nomunhukadzi, akati, ‘Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba namai vake agobatanidzwa nomukadzi wake, vaviri ava vachava nyama imwe chete?’ Saka havachisiri vaviri asi mumwe chete. Naizvozvo chabatanidzwa naMwari pamwe chete, hapana munhu anofanira kuchiparadzanisa.” Vakabvunzazve vachiti, “Sei Mozisi akarayira kuti murume ape mukadzi wake rugwaro rwokumuramba obva amuendesa?” Jesu akapindura achiti, “Mozisi akakubvumirai kuramba vakadzi venyu nokuda kwoukukutu hwemwoyo yenyu. Asi zvainge zvisina kudaro kubva pakutanga. Ndinokuudzai kuti ani naani anoramba mukadzi wake, kunze chete nokuda kwoupombwe, akazowana mumwe mukadzi, atoita upombwe.” Vadzidzi vake vakati kwaari, “Kana ari iwo mamiriro azvakaita pakati pomurume nomukadzi, zviri nani kusawana.” Jesu akapindura akati kwavari, “Haasi wose anogamuchira shoko iri, asi kune avo chete vakaripiwa. Nokuti kune ngomwa dzakaberekwa dzakadaro; dzimwe dziriko dzakaitwa navanhu; dzimwe dzakazviita ngomwa nokuda kwoumambo hwokudenga. Uyo anogona kugamuchira shoko iri ngaarigamuchire.” Ipapo vana vaduku vakauyiswa kuna Jesu kuti aise maoko ake pamusoro pavo, uye kuti avanyengeterere. Asi vadzidzi vakatsiura vaya vakanga vauya navo. Jesu akati, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti umambo hwokudenga ndohwavakadai.” Akati aisa maoko ake pamusoro pavo, akabva ipapo. Zvino mumwe murume akauya kuna Jesu akamubvunza achiti, “Mudzidzisi, ndechipi chinhu chakanaka chandingaita kuti ndiwane upenyu husingaperi?” Jesu akati kwaari, “Unondibvunzireiko pamusoro pezvakanaka? Kunongova noMumwe chete akanaka. Kana uchida kupinda muupenyu, teerera mirayiro.” Murume uya akabvunza achiti, “Ipiko?” Jesu akapindura akati, “ ‘Usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema. Kudza baba vako namai vako uye ude muvakidzani wako sokuzvida kwaunozviita iwe.’ ” Jaya riya rakati, “Zvose ndakazvichengeta. Chii chandichiri kushayiwa?” Jesu akati, “Kana uchida kuva wakakwana, enda unotengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya wonditevera.” Jaya riya parakanzwa izvi, rakaenda rakasuwa kwazvo nokuti raiva nepfuma zhinji kwazvo. Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Ndinokuudzai chokwadi, zvakaoma kuti mupfumi apinde muumambo hwokudenga. Ndinotizve zvakareruka kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” Vadzidzi vakati vanzwa izvi vakakatyamara zvikuru vakabvunza vachiti, “Ndiani zvino achaponeswa?” Jesu akavatarisa akati, “Kuvanhu izvi hazvigoneki asi kuna Mwari zvinhu zvose zvinogoneka.” Petro akamupindura akati, “Takasiya zvose kuti tikuteverei! Zvino tichawaneiko?” Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, kuti pakuvandudzwa kwezvinhu zvose, Mwanakomana woMunhu paachagara pachigaro chake chokubwinya, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro gumi nezviviri muchitonga marudzi gumi namaviri eIsraeri. Uye vose vakasiya dzimba, kana vakoma kana vanunʼuna kana hanzvadzi kana baba kana mai kana vana kana minda nokuda kwangu vachagamuchira zvakapetwa kazana, uye vachagara nhaka youpenyu husingaperi. Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira uye navazhinji vokupedzisira vachava vokutanga.
Mateo 19:1-30 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akati apedza mashoko iwayo, akabva Gariria, akaenda kunyika yeJudhea mhiri kweJorodhani. Vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera, akavaporesapo. VaFarisi vakauya kwaari, vakamuedza, vachiti, “Ko munhu anotenderwa kuramba mukadzi wake nemhaka ipi neipi here?” Akapindura, akati, “Hamuna kurava here, kuti uyo akavasika pakutanga, akavaita munhurume nomunhukadzi?” Akati, “Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba vake namai vake, akanamatira mukadzi wake; ava vaviri vachava nyama imwe. Nokudaro havachiri vaviri, asi vava nyama imwe. Zvino, izvo Mwari zvaakasanganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.” Vakati kwaari, “Mosesi wakagorayireiko kuti murume amupe rugwaro rwokumuramba, agomuramba?” Akati kwavari, “Nokuda kwoukukutu hwemwoyo yenyu Mosesi akakutenderai kuramba vakadzi venyu, asi kubva pakutanga zvakanga zvisina kudaro. Ndinoti kwamuri, ani naani anoramba mukadzi wake, asi nemhaka youpombwe, akawana mumwe, anoita upombwe; noanowana wakarambwa, anoita upombwe.” Vadzidzi vakati kwaari, “Kana zvakadaro pakati pomurume nomukadzi, hazvina kunaka kuwana.” Asi iye akati kwavari, “Vose havagamuchiri shoko iri, asi avo vakazvipiwa. Nokuti ngomwa dziripo, dzakaberekwa dzakadaro kubva mudumbu ramai; ngomwa dziripo, dzakaitwa ngomwa navanhu; ngomwa dziripo dzakazviita ngomwa nokuda kwoushe hwedenga. Angagamuchira shoko iri, ngaarigamuchire.” Zvino vakauya navana vaduku kwaari, kuti aise maoko pamusoro pavo, avanyengeterere; vadzidzi vakavadzivisa. Asi Jesu akati kwavari, “Regai vana vaduku, musavadzivisa kuuya kwandiri; nokuti ushe hwekudenga ndohwavakadai.” Akaisa maoko pamusoro pavo, akabvapo. Tarira, mumwe akauya kwaari, akati, “Mudzidzisi Wakanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipi, kuti ndive noupenyu husingaperi?” Akati kwaari, “Unondibvunzireiko pamusoro pezvakanaka? Aripo mumwechete akanaka. Asi kana uchida kupinda muupenyu, chengeta mirairo.” Akati kwaari, “Ipiko?” Jesu akati, “Usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema; kudza baba vako namai vako, ude wokwako sezvaunozvida iwe.” Jaya rikati kwaari, “Izvozvo zvose ndakazvichengeta; ko chipi chandinoshayiwa?” Jesu akati kwaari, “Kana uchida kukwana, enda utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, ugova nepfuma kudenga; ugouya unditevere.” Asi jaya rakati richinzwa shoko iri, rikaenda rasuwa kwazvo; nokuti rakanga rine pfuma zhinji. Jesu akati kuvadzidzi vake, “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, zvinoremera mupfumi kupinda muushe hwedenga. “Ndinoti kwamurizve, ngamera ingarerukirwa kupinda paburi petsono, kumupfumi kupinda muushe hwaMwari.” Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakakahadzika kwazvo, vakati, “Ndianiko angagoponeswa?” Jesu ndokuvatarira, akati kwavari, “Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvose zvinobvira.” Zvino Petirosi akapindura, akati kwaari, “Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai; tichagopiweiko?” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, imi makanditevera pakuberekwa kutsva, kana Mwanakomana womunhu achizogara pachigaro choushe chokubwinya kwake, imiwo muchagara pazvigaro zvine gumi nezviviri, muchitonga marudzi ane gumi namaviri avaIsiraeri. Mumwe nomumwe akasiya dzimba, kana vakoma kana vanun'una, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nokuda kwezita rangu, uchapiwa zvinezana, akagara nhaka yohupenyu husingaperi. Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, novokupedzisira vachava vokutanga.
Mateo 19:1-30 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Jesu paakapedza kutaura zvinhu izvi, akabva kuGarirea akaenda mudunhu reJudhea mhiri kwaJorodhani. Gurumwandira ravanhu rakamutevera akavaporesa ikoko. Zvino vamwe vaFarisei vakauya kwaari. Vakamuedza nokumubvunza vachiti, “Zvinobvumirwa here kuramba mukadzi wako pamusana pechikonzero chipi nechipi zvacho?” Jesu akavapindura achiti, “Hamuna kuverenga here kuti iye akavasika kubvira pakutanga, akavasika vari murume nomukadzi akati, ‘Nechikonzero ichochi murume achasiya baba naamai vake achiva akabatanidzwa nomukadzi wake.’ Vaviri ivavo vachiva nyama imwechete. Naizvozvo havachisiri vaviri asi vava nyama imwechete. Naizvozvo chinenge chabatanidzwa naMwari ngachirege kuparadzaniswa nomunhu.” Ivo vakati kwaari, “Ko Mosesi akazoitirei kuti murume anofanira kupa mukadzi wake tsamba yokumurambisa nayo achibva amuramba.” Iye akati kwavari, “Pamusana pemwoyo yenyu yakaoma, Mosesi akakubvumirai kuramba vakadzi venyu. Asi kubvira pakutanga zvakanga zvisina kudaro. Uye ini ndinoti kwamuri, ani naani anoramba mukadzi wake kunze kokunge aita upombwe achizoroora mumwe anoita upombwe.” Vadzidzi vakati kwaari, “Kana ari iwo mamiriro akaita zvinhu pane zvomurume nomukadzi zviri nani kusaroora.” Asi iye akati kwavari, “Havasi vose vanogona kuzvitambira izvozvo asi avo chete vanenge vakatozvipiwa. Nokuti kune vamwe vanoita utsvimborume kubvira chiberekerwo chavo. Vamwe vanoitiswa tsvimborume navanhu. Navamwewo vanosarudza kuva tsvimborume pamusana poumambo hwedenga. Uyo anokwanisa kugashira izvi ngaazvigashire.” Zvino vamwe vanhu vakauisa vana kuna Jesu kuti aise maoko ake pavari achivanamatira. Vadzidzi vakarambidza vanhu ivavo. Asi Jesu akati, “Regai vana vaduku vauye kwandiri musavarambidze nokuti umambo hokudenga ndehwevakaita saivava.” Akaisa maoko ake pamusoro pavo ndokubva aenda. Mumwe murume akauya kwaari achiti, “Mudzidzisi chii chakanaka chandingaite kuti ndiwane upenyu husingaperi?” Jesu akati kwaari, “Unondibvunzireiko kuti chakanaka chii? Akanaka ariko mumwechete. Kana uchida kupinda muupenyu, chengeta mitemo.” Iye akati, “Ipi yacho?” Jesu akati, “Inoti, usauraye, usaite upombwe, usabe, usaite uchapupu hwenhema. Remekedza baba naamai vako ugoda mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako.” Jaya riya rakati kwaari, “Yose iyi ndakaichengeta. Chimwe chandisina chii.” Jesu akati kwaari, “Kana uchida kuva munhu akaruramisisa, enda undotengesa zvose zvaunazvo upe kuvarombo. Uchava noupfumi kudenga, ugouya wonditevera.” Jaya riya parakazvinzwa rakaenda rasuruvara nokuti rakanga riine zvinhu zvakawanda. Jesu akati kuna vadzidzi vake, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri, ‘Zvichaoma zvikuru kuti mupfumi apinde muumambo hwedenga.’ Ndinotizve kwamuri, zvirinyore kuti nghamera ipinde napaburi retsono panokuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” Vadzidzi pavakanzwa izvi vakashamiswa zvikuru vachiti, “Ko zvino ndiani angagone kuponeswa?” Jesu akavatarisa akati kwavari, “Kuvanhu, izvi hazvigoneki asi pana Mwari zvinhu zvose zvinogoneka.” Ipapo Pita akapindura achiti, “Tarisai muone, isu takasiya zvose tikakuteverai. Zvino tichawanei?” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Pakumutsurudzwa kwezvinhu patsva, Mwanakomana womunhu paanenge ogara pachigaro chake chembiri, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro gumi nezviviri muchitonga madzinza gumi namaviri eIsiraeri. Munhu wose akasiya dzimba kana vakoma navanun'una kana hanzvadzi kana baba kana amai kana vana kana minda pamusana pezita rangu, achagamuchira zvakapetwa kazana uye achizowana upenyu husingaperi. Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, vokupedzisira vachava vokutanga.’ ”
Mateo 19:1-30 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Jesu wakati apedza mashoko iwayo, akabva Garirea, akaenda kunyika yeJudea mhiri kweJoridani. Ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakamuteʋera, akaʋaporesa’po. ƲaFarise ʋakaʋuya kwaari, ʋakamuidza, ʋaciti: Ko munhu unotenderwa kurasha mukadzi wake nemhaka ipi neipi here? Akapindura, akati: Hamuna‐kuraʋa here, kuti uyo wakaʋasika pakutaŋga, wakaʋaita murume nomukadzi? Akati: Nokuɗa kwaiɀoɀo murume ucasiya ɓaɓa ʋake namai ʋake, akanamatira mukadzi wake; aʋa ʋaʋiri ʋacaʋa nyama imŋe. Nokuɗaro haʋaciri ʋaʋiri, asi nyama imŋe. Ɀino, iɀo Mŋari ɀaakasoŋganisa, munhu ŋgaarege kuɀiparadzanisa. Ʋakati kwaari: Mosesi wakagoraireiko kuti murume amupe rugwaro rwokumuramba, agomurasha? Akati kwaʋari: Nokuɗa kwoʋukukutu bgemŋoyo yenyu Mosesi wakakutenderai kurasha ʋakadzi ʋenyu, asi kubva pakutaŋga ɀakaŋga ɀisina‐kuɗaro. Ndinoti kwamuri: Aninani unorasha mukadzi wake, asi nemhaka yoʋupombge, akawana mumŋe, unoita ʋupombge; nounowana wakarashwa, unoita ʋupombge. Ʋadzidzi ʋakati kwaari: Kana ɀakaɗaro pakati pomurume nomukadzi, haɀina‐kunaka kuwana. Asi iye akati kwaʋari: Ʋose haʋagamuciri shoko iri, asi aʋo ʋakaɀipiwa. Nokuti ŋgomŋa dziri’po, dzakaɓerekwa dzakaɗaro kubva muɗumbu ramai; ŋgomŋa dziri’po, dzakaitwa ŋgomŋa naʋanhu; ŋgomŋa dziri’po dzakaɀiita ŋgomŋa nokuɗa kwoʋushe bgokuɗeŋga. Uŋgagamucira shoko iri, ŋgaarigamucire. Ɀino ʋakaʋuya naʋana ʋaɗuku kwaari, kuti aise maʋoko pamsoro paʋo, aʋanyeŋgeterere; ʋadzidzi ʋakaʋaraira. Asi Jesu wakati kwaʋari: Regai ʋana ʋaɗuku, musaʋadziʋisa kuʋuya kwandiri; nokuti ʋushe bgokuɗeŋga ndobgaʋakaɗai. Akaisa maʋoko pamsoro paʋo, akabva’po. Tarira, mumŋe munhu wakaʋuya kwaari, akati: Mudzidzisi wakanaka, ndiŋgaita cinhu cakanaka cipi, kuti ndiʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi? Akati kwaari: Unondibvunzireiko pamsoro peɀakanaka? Uri’po mumŋe wakanaka. Asi kana uciɗa kupinda paʋupenyu, ceŋgeta mirairo. Akati kwaari: Ipiko? Jesu akati: Usaʋuraya, usaita ʋupombge, usaɓa, usapupura nhema; kudza ɓaɓa ʋako namai ʋako, uɗe wokwako seɀaunoɀida iwe. Jaya rikati kwaari: Iɀoɀo ɀose ndakaɀiceŋgeta; ndicakashaiweiko? Jesu akati kwaari: Kana uciɗa kukwana, enda uteŋgese ɀose ɀaunaɀo, upe ʋarombo, ugoʋa nefuma kuɗeŋga; ugoʋuya unditeʋere. Asi jaya rakati ricinzwa shoko iri, rikaenda rineshuŋgu; nokuti rakaŋga rinefuma zhinji. Jesu akati kuʋadzidzi ʋake: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Ɀinoremera mufumi kupinda muʋushe bgokuɗeŋga. Ndinoti kwamuri ɀe: Kamera iŋgarerukirwa kupinda paʋuri reɗumho, kumufumi kupinda muʋushe bgaMŋari. Ʋadzidzi ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakakahadzika kwaɀo, ʋakati: Ndianiko uŋgagoponeswa? Jesu ndokuʋatarira, akati kwaʋari: Kuʋanhu iɀi haɀibviri, asi kunaMŋari ɀose ɀinobvira. Ɀino Petro akapindura, akati kwaari: Tarirai, isu takasiya ɀose, tikakuteʋerai; ticagopiweiko? Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, imi makanditeʋera pakuɓerekwa kutȿa, kana Mŋanakomana womunhu acizogara pacigaro coʋushe cokubginya kwake, imi ʋo mucagara paɀigaro ɀinegumi neɀiʋiri, mucitoŋga marudzi anegumi namaʋiri aʋaIsraeri. Mumŋe nomumŋe wakasiya dzimba, kana ʋanuŋuna, kana hanɀadzi, kana ɓaɓa, kana mai, kana mukadzi, kana ʋana, kana minda, nokuɗa kwezita raŋgu, ucapiwa ɀinezana, akagara nhaka yoʋupenyu bgusiŋgaperi. Asi ʋazhinji ʋokutaŋga ʋacaʋa ʋokupedzisira, noʋokupedzisira ʋacaʋa ʋokutaŋga.
Mateo 19:1-30 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)