Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 19:1-12

Mateo 19:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi, akabva kuGarirea akaenda kudunhu reJudhea mhiri kwaJorodhani. Vanhu vazhinji zhinji vakamutevera uye akavaporesa ikoko. Vamwe vaFarisi vakauya kwaari kuzomuedza. Vakamubvunza vachiti, “Zviri pamutemo here kuti murume arambe mukadzi wake nokuda kwechikonzero chipi nechipi zvacho?” Akavapindura achiti, “Hamuna kuverenga here kuti kubva pakutanga Musiki akavaita munhurume nomunhukadzi, akati, ‘Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba namai vake agobatanidzwa nomukadzi wake, vaviri ava vachava nyama imwe chete?’ Saka havachisiri vaviri asi mumwe chete. Naizvozvo chabatanidzwa naMwari pamwe chete, hapana munhu anofanira kuchiparadzanisa.” Vakabvunzazve vachiti, “Sei Mozisi akarayira kuti murume ape mukadzi wake rugwaro rwokumuramba obva amuendesa?” Jesu akapindura achiti, “Mozisi akakubvumirai kuramba vakadzi venyu nokuda kwoukukutu hwemwoyo yenyu. Asi zvainge zvisina kudaro kubva pakutanga. Ndinokuudzai kuti ani naani anoramba mukadzi wake, kunze chete nokuda kwoupombwe, akazowana mumwe mukadzi, atoita upombwe.” Vadzidzi vake vakati kwaari, “Kana ari iwo mamiriro azvakaita pakati pomurume nomukadzi, zviri nani kusawana.” Jesu akapindura akati kwavari, “Haasi wose anogamuchira shoko iri, asi kune avo chete vakaripiwa. Nokuti kune ngomwa dzakaberekwa dzakadaro; dzimwe dziriko dzakaitwa navanhu; dzimwe dzakazviita ngomwa nokuda kwoumambo hwokudenga. Uyo anogona kugamuchira shoko iri ngaarigamuchire.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 19

Mateo 19:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Jesu paakapedza kutaura zvinhu izvi, akabva kuGarirea akaenda mudunhu reJudhea mhiri kwaJorodhani. Gurumwandira ravanhu rakamutevera akavaporesa ikoko. Zvino vamwe vaFarisei vakauya kwaari. Vakamuedza nokumubvunza vachiti, “Zvinobvumirwa here kuramba mukadzi wako pamusana pechikonzero chipi nechipi zvacho?” Jesu akavapindura achiti, “Hamuna kuverenga here kuti iye akavasika kubvira pakutanga, akavasika vari murume nomukadzi akati, ‘Nechikonzero ichochi murume achasiya baba naamai vake achiva akabatanidzwa nomukadzi wake.’ Vaviri ivavo vachiva nyama imwechete. Naizvozvo havachisiri vaviri asi vava nyama imwechete. Naizvozvo chinenge chabatanidzwa naMwari ngachirege kuparadzaniswa nomunhu.” Ivo vakati kwaari, “Ko Mosesi akazoitirei kuti murume anofanira kupa mukadzi wake tsamba yokumurambisa nayo achibva amuramba.” Iye akati kwavari, “Pamusana pemwoyo yenyu yakaoma, Mosesi akakubvumirai kuramba vakadzi venyu. Asi kubvira pakutanga zvakanga zvisina kudaro. Uye ini ndinoti kwamuri, ani naani anoramba mukadzi wake kunze kokunge aita upombwe achizoroora mumwe anoita upombwe.” Vadzidzi vakati kwaari, “Kana ari iwo mamiriro akaita zvinhu pane zvomurume nomukadzi zviri nani kusaroora.” Asi iye akati kwavari, “Havasi vose vanogona kuzvitambira izvozvo asi avo chete vanenge vakatozvipiwa. Nokuti kune vamwe vanoita utsvimborume kubvira chiberekerwo chavo. Vamwe vanoitiswa tsvimborume navanhu. Navamwewo vanosarudza kuva tsvimborume pamusana poumambo hwedenga. Uyo anokwanisa kugashira izvi ngaazvigashire.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 19

Mateo 19:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Jesu wakati apedza mashoko iwayo, akabva Garirea, akaenda kunyika yeJudea mhiri kweJoridani. Ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakamuteʋera, akaʋaporesa’po. ƲaFarise ʋakaʋuya kwaari, ʋakamuidza, ʋaciti: Ko munhu unotenderwa kurasha mukadzi wake nemhaka ipi neipi here? Akapindura, akati: Hamuna‐kuraʋa here, kuti uyo wakaʋasika pakutaŋga, wakaʋaita murume nomukadzi? Akati: Nokuɗa kwaiɀoɀo murume ucasiya ɓaɓa ʋake namai ʋake, akanamatira mukadzi wake; aʋa ʋaʋiri ʋacaʋa nyama imŋe. Nokuɗaro haʋaciri ʋaʋiri, asi nyama imŋe. Ɀino, iɀo Mŋari ɀaakasoŋganisa, munhu ŋgaarege kuɀiparadzanisa. Ʋakati kwaari: Mosesi wakagoraireiko kuti murume amupe rugwaro rwokumuramba, agomurasha? Akati kwaʋari: Nokuɗa kwoʋukukutu bgemŋoyo yenyu Mosesi wakakutenderai kurasha ʋakadzi ʋenyu, asi kubva pakutaŋga ɀakaŋga ɀisina‐kuɗaro. Ndinoti kwamuri: Aninani unorasha mukadzi wake, asi nemhaka yoʋupombge, akawana mumŋe, unoita ʋupombge; nounowana wakarashwa, unoita ʋupombge. Ʋadzidzi ʋakati kwaari: Kana ɀakaɗaro pakati pomurume nomukadzi, haɀina‐kunaka kuwana. Asi iye akati kwaʋari: Ʋose haʋagamuciri shoko iri, asi aʋo ʋakaɀipiwa. Nokuti ŋgomŋa dziri’po, dzakaɓerekwa dzakaɗaro kubva muɗumbu ramai; ŋgomŋa dziri’po, dzakaitwa ŋgomŋa naʋanhu; ŋgomŋa dziri’po dzakaɀiita ŋgomŋa nokuɗa kwoʋushe bgokuɗeŋga. Uŋgagamucira shoko iri, ŋgaarigamucire.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 19

Mateo 19:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)