Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 18:8-9 - Compare All Versions

Mateo 18:8-9 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Kana ruoko rwako kana kuti rutsoka rwako zvichikuita kuti utadze, zvidimure uzvirasire kure. Zviri nani kupinda muupenyu wakaremara kana kuti uchikamhina, pano kupinda mumoto usingadzimi uine maoko maviri namakumbo maviri. Kana ziso rako richikuita kuti utadze ribvise urirasire kure. Zviri nani kuti upinde muupenyu uine ziso rimwe chete pane kunge uine maziso maviri asi ugokandwa mumoto wegehena.

Pakurirana nevamwe
Mateo 18 BDSC

Mateo 18:8-9 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Kana ruoko rwako kana rutsoka ruchikugumbusa, urugure, ururasire kure newe; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema, kana uchikamhina, pakukandwa mumoto usingagumi, unamaoko maviri kana tsoka mbiri. Kana ziso rako richikugumbusa, uribvise, urirasire kure newe. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu, uneziso rimwe, pakukandwa muGehena romoto, unameso maviri.

Pakurirana nevamwe
Mateo 18 SNA2002

Mateo 18:8-9 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

“Kana ruoko rwako kana kuti rutsoka rwako ruchikukonzera kutadza rudimbure urwurase. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu wakaremara kana kuti uri mhetamakumbo pano kukandwa mumoto usingadzimuki narini uina maoko maviri kana kuti tsoka mbiri. Kana ziso rako richikurasisa risvukunure urirase. Zviri nani kwauri kupinda muupenyu neziso rimwechete pano kukandwa mugomba romoto una maziso maviri.

Pakurirana nevamwe
Mateo 18 SCLBD

Mateo 18:8-9 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Kana ruʋoko rwako kana rutsoka rucikugumbusa, urugure, ururashire kure newe; ɀirinani kwauri kuti upinde muʋupenyu uri cirema, kana ucikamhina, pakukandirwa mumŋoto usiŋgagumi, unamaʋoko maʋiri kana tsoka mbiri. Kana ziso rako ricikugumbusa, uribvise, urirashire kure newe. Ɀirinani kwauri kuti upinde muʋupenyu, uneziso rimŋe, pakukandirwa muGehena romŋoto, unameso maʋiri.

Pakurirana nevamwe
Mateo 18 SUB1949

Mateo 18:8-9 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mateo 18 SCLB