Skip to content
Logo yeApp yeBhaibheri

Mateo 18:8 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mateo 18:8 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Kana ruoko rwako kana kuti rutsoka rwako zvichikuita kuti utadze, zvidimure uzvirasire kure. Zviri nani kupinda muupenyu wakaremara kana kuti uchikamhina, pano kupinda mumoto usingadzimi uine maoko maviri namakumbo maviri.

Pakurirana nevamwe
Mateo 18 BDSC

Mateo 18:8 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Kana ruoko rwako kana rutsoka ruchikugumbusa, urugure, ururasire kure newe; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema, kana uchikamhina, pakukandwa mumoto usingagumi, unamaoko maviri kana tsoka mbiri.

Pakurirana nevamwe
Mateo 18 SNA2002

Mateo 18:8 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Kana ruʋoko rwako kana rutsoka rucikugumbusa, urugure, ururashire kure newe; ɀirinani kwauri kuti upinde muʋupenyu uri cirema, kana ucikamhina, pakukandirwa mumŋoto usiŋgagumi, unamaʋoko maʋiri kana tsoka mbiri.

Pakurirana nevamwe
Mateo 18 SUB1949

Mateo 18:8 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

“Kana ruoko rwako kana kuti rutsoka rwako ruchikukonzera kutadza rudimbure urwurase. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu wakaremara kana kuti uri mhetamakumbo pano kukandwa mumoto usingadzimuki narini uina maoko maviri kana kuti tsoka mbiri.

Pakurirana nevamwe
Mateo 18 SCLB

Mateo 18:8 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

“Kana ruoko rwako kana kuti rutsoka rwako ruchikukonzera kutadza rudimbure urwurase. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu wakaremara kana kuti uri mhetamakumbo pano kukandwa mumoto usingadzimuki narini uina maoko maviri kana kuti tsoka mbiri.

Pakurirana nevamwe
Mateo 18 SCLBD