Mateo 18:7-9
Mateo 18:7-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ine nhamo nyika nokuda kwezvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze! Zvinhu izvozvo zvinofanira kuuya asi ane nhamo munhu anoita kuti zviitike. Kana ruoko rwako kana kuti rutsoka rwako zvichikuita kuti utadze, zvidimure uzvirasire kure. Zviri nani kupinda muupenyu wakaremara kana kuti uchikamhina, pano kupinda mumoto usingadzimi uine maoko maviri namakumbo maviri. Kana ziso rako richikuita kuti utadze ribvise urirasire kure. Zviri nani kuti upinde muupenyu uine ziso rimwe chete pane kunge uine maziso maviri asi ugokandwa mumoto wegehena.
Mateo 18:7-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Nyika ine nhamo nemhaka yezvigumbuso! Nokuti zvigumbuso zvinofanira kuuya hazvo; asi anenhamo munhu uyo anogumbusa vamwe. “Kana ruoko rwako kana rutsoka ruchikugumbusa, urugure, ururasire kure newe; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema, kana uchikamhina, pakukandwa mumoto usingagumi, unamaoko maviri kana tsoka mbiri. Kana ziso rako richikugumbusa, uribvise, urirasire kure newe. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu, uneziso rimwe, pakukandwa muGehena romoto, unameso maviri.
Mateo 18:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nhamo ndeyayo nyika pamusana pekufurira kwainoita! Kufuririka kunototi kuitike asi nhamo ndeyake munhu uyo anoita kuti vamwe vafuririke. “Kana ruoko rwako kana kuti rutsoka rwako ruchikukonzera kutadza rudimbure urwurase. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu wakaremara kana kuti uri mhetamakumbo pano kukandwa mumoto usingadzimuki narini uina maoko maviri kana kuti tsoka mbiri. Kana ziso rako richikurasisa risvukunure urirase. Zviri nani kwauri kupinda muupenyu neziso rimwechete pano kukandwa mugomba romoto una maziso maviri.
Mateo 18:7-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nyika inenhamo nemhaka yeɀigumbuso! Nokuti ɀigumbuso ɀinofanira kuʋuya haɀo; asi unenhamo munhu uyo unogumbusa ʋamŋe. Kana ruʋoko rwako kana rutsoka rucikugumbusa, urugure, ururashire kure newe; ɀirinani kwauri kuti upinde muʋupenyu uri cirema, kana ucikamhina, pakukandirwa mumŋoto usiŋgagumi, unamaʋoko maʋiri kana tsoka mbiri. Kana ziso rako ricikugumbusa, uribvise, urirashire kure newe. Ɀirinani kwauri kuti upinde muʋupenyu, uneziso rimŋe, pakukandirwa muGehena romŋoto, unameso maʋiri.
Mateo 18:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)