Mateo 18:28-33
Mateo 18:28-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Asi muranda uya paakabuda, akasangana nomumwewo muranda saiye ainge aine chikwereti chake chamadhenari zana. Akamubata ndokutanga kumudzipa. Akati, ‘Ndipe chikwereti changu!’ “Muranda uya saiyewo muranda akapfugama ndokumukumbira zvikuru achiti, ‘Ndiitirewo mwoyo murefu, ndichakupa chikwereti chako.’ “Asi akaramba. Pamusoro pezvo akamusungisa uye akaita kuti aiswe mutorongo kusvikira aripa chikwereti chose. Vamwe varanda vakati vaona zvakanga zvaitika, zvakavatambudza zvikuru ndokubva vanoudza tenzi wavo zvose zvakanga zvaitika. “Tenzi akadana muranda uya akati, ‘Iwe muranda akaipa. Ndakadzima chikwereti changu chawaiva nacho nokuti wakandikumbira zvikuru. Saka hawaifanira here kuva netsitsi kuno mumwe wako sezvandakakuitira iwe?’
Mateo 18:28-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Asi muranda uyo akati achibuda, akawana mumwe muranda waishanda pamwechete naye, akanga ane chikwerete kwaari chamadhenari ane zana; akamubata, akamudzipa, akati, ‘Ripa chikwerete changu!’ Zvino muranda uyo aishanda pamwechete naye, akawira pasi, akakumbira zvikuru kwaari, akati, ‘Uve nomwoyo murefu neni, ndichazokuripira.’ “Asi iye akaramba, akaenda, akamuisa mutorongo, kusvikira achizoripa chikwerete. Zvino vamwe varanda vaishanda pamwechete naye vakati vachiona zvaitwa, vakafa neshungu kwazvo, vakaenda kundoudza ishe wavo zvose zvakaitwa. Zvino ishe wake akamudana, akati kwaari, ‘Iwe muranda wakaipa, ndakakuregerera chikwerete icho chose, nokuti iwe wakakumbira zvikuru kwandiri. Ko iwe hausi waifanira kunzwira tsitsi mumwe muranda unoshanda pamwechete newe, seni ndakakunzwira tsitsi here?’
Mateo 18:28-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi muranda mumwecheteyo paakanga avakubuda, akasangana nomumwe mushandi pamwe naye, akanga ane chikwereti kwaari chezana remari yamadhenari. Akabva amuti dzvi pahuro, achiti, “Ndibhadhare chikwereti changu.” Mumwe muranda uya mumwe wake akati pasi gwadagwa achimuteterera achiti, “Ingondiitirawo mwoyo murefu ndinokudzorera.” Asi iye akaramba ndokuenda ondomuisa mujeri kusvikira abhadhara chikwereti. Vamwe vake, varandawo pamwe naye, pavakaona zvakanga zvaitika, zvakavatsamwisa kwazvo. Vakaenda vakandotaurira tenzi wavo zvose zvakanga zvaitika. Ipapo tenzi wake akamudaidza, akati kwaari, “Iwe muranda wakaipa, ndakakuregerera chikwereti chose chiya nokuti wakanditeterera. Wanga usingafaniriwo here kunzwira urombo muranda pamwe newe sokukunzwira tsitsi kwandakakuitira?”
Mateo 18:28-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi muranda uyo wakati aciɓuɗa, akawana mumŋe muranda waiɓata pamŋe cete naye, wakaŋga anecikwerete kwaari camadenari anezana; akamuɓata, akamudzipa, akati: Ripa cikwerete cako! Ɀino muranda uyo waiɓata pamŋe cete naye, akawira pasi, akakumbira ɀikuru kwaari, akati: Uʋe nomŋoyo murefu neni, ndicazokuripira. Asi iye wakaramba, akaenda, akamuisa mutoroŋgo, kuȿikira acizoripa cikwerete. Ɀino ʋamŋe ʋaranda ʋaiɓata pamŋe cete naye ʋakati ʋaciʋona ɀaitwa, ʋakafa neshuŋgu kwaɀo, ʋakaenda kundoʋudza ishe waʋo ɀose ɀakaitwa. Ɀino ishe wake akamuɗana, akati kwaari: Iwe muranda wakaipa, ndakakukaŋganwira cikwerete ico cose, nokuti iwe wakakumbira ɀikuru kwandiri. Ko iwe hauzaifanira kunzwira tsitsi mumŋe muranda unoɓata pamŋe cete newe, seni ndakakunzwira tsitsi here?
Mateo 18:28-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)