Mateo 18:15-17
Mateo 18:15-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
“Kana hama yako ikakutadzira, enda undotaurirana naye mhosva yake muri moga. Akakuteerera, watodzora hama yako. Asi akaramba kukuteerera, enda kwaari nomumwe kana vaviri kuti zvose zvamunotaura zvitsigirwe noumbowo hwezvapupu zviviri kana zvitatu. Kana akaramba kuvateerera, pira nyaya iyoyo kusangano. Kana akaramba kuteerera kunyange sangano, mutorei somuhedheni nomuteresi.
Mateo 18:15-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Kana hama yako yakutadzira enda umuudze mhosva yake, muri vaviri chete. Kana akakunzwa wadzora hama yako. Asi akaramba kuteerera, enda nomumwe kana vaviri kuitira kuti ‘nyaya imwe neimwe isimbiswe nezvapupu zviviri kana zvitatu.’ Kana akaramba kuteerera, uudze kereke, kana akaramba kuteerera kunyange kereke, umutore zvako somuhedheni kana muteresi.
Mateo 18:15-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Kana hama yako yakutadzira, enda umuudze mhosva yake, iwe naiye muri moga; kana akakunzwa, wadzora hama yako. Asi kana asinganzwi, tora mumwe kana vaviri newe, kuti mashoko ose asimbiswe nemiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu. Kana asingavanzwi, uudze ungano; kana asinganzwiwo ungano, ngaave kwauri somuhedheni nomuFarisi.
Mateo 18:15-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Kana hama yako ikakutadzira, enda undotaurirana naye mhosva yake muri moga. Akakuteerera, watodzora hama yako. Asi akaramba kukuteerera, enda kwaari nomumwe kana vaviri kuti zvose zvamunotaura zvitsigirwe noumbowo hwezvapupu zviviri kana zvitatu. Kana akaramba kuvateerera, pira nyaya iyoyo kusangano. Kana akaramba kuteerera kunyange sangano, mutorei somuhedheni nomuteresi.
Mateo 18:15-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana hama yako yakutadzira, enda umuʋudze mhoȿa yake, iwe naiye muri moga; kana akakunzwa, wadzora hama yako. Asi kana asiŋganzwi, tora mumŋe kana ʋaʋiri newe, kuti mashoko ose asimbiswe nemiromo yeɀapupu ɀiʋiri kana ɀitatu. Kana asiŋgaʋanzwi, uʋudze ʋuŋgano; kana asiŋganzwi ʋo ʋuŋgano, ŋgaaʋe kwauri somuheɗeni nomuFarise.