Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 18:12-14 - Compare All Versions

Mateo 18:12-14 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

“Imi munofungei? Kana munhu ane makwai zana, rimwe chete rawo rikarasika, haangasiye makumi mapfumbamwe nepfumbamwe mumakomo achinotsvaka rakarasika here? Uye kana akariwana, ndinokuudzai chokwadi kuti anorifarira kukunda makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe asina kurasika. Nenzira imwe cheteyo Baba venyu vari kudenga havafariri kuti mumwe wavaduku ava arasike.

Pakurirana nevamwe
Mateo 18 BDSC

Mateo 18:12-14 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Munofungeiko? Kana munhu anamakwai ane zana, rimwe rawo rikarasika, haangasiyi makumi mapfumbamwe namapfumbamwe, akaenda kumakomo kundotsvaka yarasika here? “Kana aiwana, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, anofarira kupfuura makumi mapfumbamwe namapfumbamwe dzisina kurasika. Nokudaro hakusi kuda kwaBaba venyu vari kudenga kuti mumwe wavaduku ava aparare.

Pakurirana nevamwe
Mateo 18 SNA2002

Mateo 18:12-14 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

“Munofungei, ngatitii munhu ane zana rehwai. Imwe yadzo ikarasika, haasii here dzimwe makumi mapfumbamwe ane pfumbamwe dziri mumakomo achienda kundotsvaka iya yakarasika? Kana akaiwana, zvechokwadi ndinokutaurirai kuti anoifarira kupinda makumi mapfumbamwe ane pfumbamwe dzisina kumborasika. Saizvozvo Baba vangu vari kudenga havadi kuti mumwe wavadiki ava arasike.

Pakurirana nevamwe
Mateo 18 SCLBD

Mateo 18:12-14 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Munofuŋgeiko? Kana munhu anamakwai anezana, rimŋe rawo rikatsauka, haaŋgasiyi makumi mapfumbamŋe namapfumbamŋe, akaenda kumakomo kundotȿaka rakatsauka here? Kana ariwana, ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, unorifarira kupfuʋura makumi mapfumbamŋe namapfumbamŋe asakatsauka. Nokuɗaro hakuzi kuɗa kwaƂaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga, kuti mumŋe waʋaɗuku aʋa afe.

Pakurirana nevamwe
Mateo 18 SUB1949

Mateo 18:12-14 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mateo 18 SCLB