Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 18:11-13 - Compare All Versions

Mateo 18:11-13 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzoponesa chakarasika. “Imi munofungei? Kana munhu ane makwai zana, rimwe chete rawo rikarasika, haangasiye makumi mapfumbamwe nepfumbamwe mumakomo achinotsvaka rakarasika here? Uye kana akariwana, ndinokuudzai chokwadi kuti anorifarira kukunda makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe asina kurasika.

Pakurirana nevamwe
Mateo 18 BDSC

Mateo 18:11-13 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Nokuti Mwanakomana womunhu akauya kuzoponesa charasika.] “Munofungeiko? Kana munhu anamakwai ane zana, rimwe rawo rikarasika, haangasiyi makumi mapfumbamwe namapfumbamwe, akaenda kumakomo kundotsvaka yarasika here? “Kana aiwana, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, anofarira kupfuura makumi mapfumbamwe namapfumbamwe dzisina kurasika.

Pakurirana nevamwe
Mateo 18 SNA2002

Mateo 18:11-13 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

[Nokuti Mŋanakomana womunhu wakaʋuya kuzoponesa cakarashika.] Munofuŋgeiko? Kana munhu anamakwai anezana, rimŋe rawo rikatsauka, haaŋgasiyi makumi mapfumbamŋe namapfumbamŋe, akaenda kumakomo kundotȿaka rakatsauka here? Kana ariwana, ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, unorifarira kupfuʋura makumi mapfumbamŋe namapfumbamŋe asakatsauka.

Pakurirana nevamwe
Mateo 18 SUB1949