Mateo 18:1-4
Mateo 18:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Panguva iyoyo vadzidzi vakauya kuna Jesu uye vakamubvunza vachiti, “Ndianiko mukuru pane vose muumambo hwokudenga?” Akadana mwana muduku ndokumumisa pakati pavo. Uye akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musina kushanduka mukava savana vaduku, hamungatongopindi muumambo hwokudenga. Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu ndiye achava mukuru muumambo hwokudenga.
Mateo 18:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nenguva iyo vadzidzi vakauya kuna Jesu, vakati, “Ndianiko mukuru muushe hwedenga?” Akadanira kwaari mwana muduku, akamuisa pakati pavo, akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kana musingasanduki, mukava savana vaduku, hamungatongopindi muushe hwedenga. Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu muduku, ndiye mukuru muushe hwedenga.
Mateo 18:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nenguva iyoyo vadzidzi vakauya kuna Jesu vakati, “Ndiani mukuru kupinda vose muumambo hwedenga.” Jesu akatora mwana akamuisa pakati pavo akati, “Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri kana mukasapinduka muchiva savana vaduku hamumbopinda muumambo hwedenga. Ani naani wose anozvirereka somwana uyu, ndiye mukuru kupinda vamwe vose muumambo hwedenga.
Mateo 18:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Neŋguʋa iyo ʋadzidzi ʋakaʋuya kunaJesu, ʋakati: Ndianiko mukuru paʋushe bgokudeŋga? Akaɗanira kwaari mŋana muɗuku, akamuisa pakati paʋo, akati: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Kana musiŋgashanduki, mukaʋa saʋana ʋaɗuku, hamuŋgatoŋgopindi muʋushe bgokuɗeŋga. Naiɀoɀo aninani unoɀininipisa somŋana uyu muɗuku, ndiye mukuru muʋushe bgokuɗeŋga.
Mateo 18:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)