Mateo 17:4 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 17:4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Petro akati kuna Jesu, “Ishe zvakatinakira kuva pano. Kana muchida ndingavaka matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi nerimwe raEria.”
Mateo 17:4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Petirosi akapindura, akati kuna Jesu, “Ishe, zvakanaka zvatiri pano; kana muchida, ndichavaka matumba matatu pano, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria.”
Mateo 17:4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino Petro akapindura, akati kunaJesu: Ishe, ɀakanaka ɀatiri pano; kana muciɗa, ndicaʋaka matumba matatu pano, rimŋe renyu, rimŋe raMosesi, rimŋe raEria.
Mateo 17:4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pita akati kuna Jesu, “I–i, Tenzi, hakusi kunaka kwazvakaita ikoko kuti tive pano! Kana muchida zvenyu regai ndivake misasa mitatu pano. Mumwe wenyu mumwe waMosesi nomumwe waEriya.”
Mateo 17:4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Pita akati kuna Jesu, “I–i, Tenzi, hakusi kunaka kwazvakaita ikoko kuti tive pano! Kana muchida zvenyu regai ndivake misasa mitatu pano. Mumwe wenyu mumwe waMosesi nomumwe waEriya.”