Mateo 17:22-27
Mateo 17:22-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakati vaungana muGarirea Jesu akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu achaiswa mumaoko avanhu. Vachamuuraya asi pazuva retatu achamutswa.” Uye vadzidzi vakasuwa kwazvo. Jesu navadzidzi vake vakati vasvika muKapenaume, vateresi vomutemberi vakauya kuna Petro vakabvunza vachiti, “Ko, mudzidzisi wenyu haaripi mutero womutemberi here?” Akapindura akati, “Hongu, anoripa.” Petro paakapinda mumba, Jesu ndiye akatanga kutaura achiti, “Unofungei, Simoni? Madzimambo enyika anotora mutero kuvana vavo here kana kuti kuna vamwe?” Petro akapindura akati, “Kuna vamwe.” Jesu akati, “Saka vana vakasununguka. Asi kuti tisavagumbura enda kugungwa unokanda chiredzo chako mumvura. Tora hove yaunotanga kubata, wovhura muromo wayo, uchawana muine mari inokwana mutero wangu newako, uvape.”
Mateo 17:22-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vachafamba muGariria, Jesu akati kwavari, “Mwanakomana womunhu achabva oiswa mumaoko avanhu; vachamuuraya, asi nezuva retatu achamutswazve.” Vakafa neshungu kwazvo. Vakati vachisvika Kapenaume, vanhu vaigamuchira muripo wetemberi vakauya kuna Petirosi, vakati, “Mudzidzisi wenyu haateri mutero wetemberi here?” Akati, “Hongu.” Zvino akati achipinda mumba, Jesu akatanga kutaura kwaari, achiti, “Simoni, unofungeiko? Madzimambo enyika anotora muripo nomutero kunavanaaniko? Kuvana vavo kana kuvatorwa?” Akati, “Kuvatorwa.” Jesu akati kwavari, “Saka vana vakasununguka. “Asi, kuti tirege kuvagumbusa, enda kugungwa, ukande chiredzo, ubate hove inotanga kudyira; kana washamisa muromo wayo, uchawana sitaterimo; uritore, uvape kuripira ini newe.”
Mateo 17:22-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pavakanga vari pamwechete muGarirea Jesu akati kwavari, “Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avanhu. Vachamuuraya asi mushure memazuva matatu achamutswa.” Vakabva vasuruvara zvikuru. Pavakasvika kuKapenaumu, vabhadharisi vomutero wehafu yemari yeshekeri vakaenda kuna Pita vakati, “Mudzidzisi wenyu haabhadhari mutero uyu here?” Iye akati, “Hongu.” Paakadzoka kumba, Jesu ndiye akatanga kutaura kwaari achiti, “Unofunga kuti kudii Simoni? Ndavapi vanobvisiswa mutero nomuripo namadzimambo panyika? Vana vavo here kana kuti vamwe zvavo?” Pita paakati vamwe zvavo. Jesu akati kwaari, “Saka vana havabhadhari, handiti? Asi kuti tirege kuvagumbura enda kugungwa undokandamo chirauro utore hove yokutanga inenge yabatwa. Paunozarura muromo wayo uchawana shekeri. Ritore undobhadharira ini newe.”
Mateo 17:22-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋacafamba muGarirea, Jesu akatikwaʋari: Mŋanakomana womunhu ucabva woiswa mumaʋoko aʋanhu; ʋacamuʋuraya, asi nezuʋa retatu ucamutswa ɀe. Ʋakafa neshuŋgu kwaɀo. Ʋakati ʋaciȿika Kapernaume, ʋanhu ʋaigamucira muripo wetembere ʋakaʋuya kunaPetro, ʋakati: Mudzidzisi wenyu haaripi muripo wetembere here? Akati: Hoŋo. Ɀino wakati acipinda mumba, Jesu akataŋga kutaura kwaari, aciti: Simoni, unofuŋgeiko? Madzimambo enyika anotora muripo nomutero kunaʋananiko? Kuʋanakomana ʋaʋo kana kuʋaeni? Akati: Kuʋaeni. Jesu akati kwaari: Saka ʋanakomana ʋakasunuŋguka. Asi, kuti tirege kuʋagumbusa, enda kuguŋgwa, ukande ciredzo, uɓate hoʋe inotaŋga kuɓuɗa; kana washamisa muromo wayo, ucawana stateri; uritore, uʋape iro, kuripira iwe neni.
Mateo 17:22-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)