Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 17:10-27

Mateo 17:10-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Vadzidzi vakamubvunza vakati, “Ko, sei vadzidzisi vemirayiro vachiti Eria anofanira kutanga kuuya?” Jesu akapindura akati, “Ichokwadi kuti Eria achauya agovandudza zvinhu zvose. Asi ndinokuudzai kuti Eria akatouya kare asi havana kumuziva, uye vakaita kwaari zvavaida. Saizvozvo Mwanakomana woMunhu achatambudzwa pamaoko avo.” Ipapo vadzidzi vakanzwisisa kuti aitaura kwavari nezvaJohani Mubhabhatidzi. Vakati vasvika kuvanhu vazhinji, mumwe murume akauya akasvikopfugama pamberi paJesu akati, “Ishe, donzwiraiwo mwanakomana wangu tsitsi. Ane zvipusha uye ari kutambudzika kwazvo. Kazhinji zvinomuwisira mumoto kana mumvura. Ndauya naye kuvadzidzi venyu asi havana kugona kumuporesa.” Jesu akapindura akati, “Haiwa, imi rudzi rusingatendi uye rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira rinhiko? Uyai nomukomana uyu kwandiri.” Jesu akatuka dhimoni rikabva rabuda mumukomana uya achibva apora kubva panguva iyoyo. Ipapo vadzidzi vakauya kuna Jesu vari voga vakamubvunza vachiti, “Ko, takundikana sei kuridzinga?” Akavapindura achiti, “Nokuda kwokuti mune kutenda kudiki. Ndinokuudzai chokwadi kuti dai maiva nokutenda kudiki hako semhodzi yemasitadhi maigona kuti kugomo iri, ‘Ibva apa uende uko,’ zvichiitika. Hapana chamunozokundikana kuita. Asi rudzi urwu rwomweya runongobviswa chete nokunyengetera nokutsanya.” Vakati vaungana muGarirea Jesu akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu achaiswa mumaoko avanhu. Vachamuuraya asi pazuva retatu achamutswa.” Uye vadzidzi vakasuwa kwazvo. Jesu navadzidzi vake vakati vasvika muKapenaume, vateresi vomutemberi vakauya kuna Petro vakabvunza vachiti, “Ko, mudzidzisi wenyu haaripi mutero womutemberi here?” Akapindura akati, “Hongu, anoripa.” Petro paakapinda mumba, Jesu ndiye akatanga kutaura achiti, “Unofungei, Simoni? Madzimambo enyika anotora mutero kuvana vavo here kana kuti kuna vamwe?” Petro akapindura akati, “Kuna vamwe.” Jesu akati, “Saka vana vakasununguka. Asi kuti tisavagumbura enda kugungwa unokanda chiredzo chako mumvura. Tora hove yaunotanga kubata, wovhura muromo wayo, uchawana muine mari inokwana mutero wangu newako, uvape.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 17

Mateo 17:10-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Vadzidzi vakamubvunza, vachiti, “Vanyori vanotaurireiko, vachiti, Eria anofanira kutanga kuuya?” Akapindura, akati, “Eria achauya hake, avandudze zvinhu zvose.” Asi ndinoti kwamuri, “Eria akatosvika, asi havana kumuziva; asi vakamuitira pavakada napo. Saizvozvowo Mwanakomana womunhu achabva otambudzwa navo.” Zvino vadzidzi vakanzwisisa kuti akavaudza zvaJohani Mubhabhatidzi. Vakati vasvika kuvanhu vazhinji, mumwe munhu akauya kwaari, akamupfugamira, akati, “Ishe, donzwirai mwanakomana wangu ngoni, nokuti ane tsviyo, anotambudzika kwazvo. Nokuti kazhinji anowira mumoto, kazhinji mumvura. Ndakauya naye kuvadzidzi venyu, vakasagona kumuporesa.” Jesu akapindura, akati, “Haiwa! Rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvikira riniko? Uyai naye pano kwandiri.” Zvino Jesu akamuraira, mweya wakaipa ukabuda kwaari, mukomana akapora kubva panguva iyo. Zvino vadzidzi vakauya kuna Jesu vari voga, vakati, “Ko isu takanga tisingagoni neiko kuubudisa?” Akati kwavari, “Nemhaka yokutenda kwenyu kuduku, nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kana muno kutenda kwakaita setsanga yemasitadhi, mungati kugomo iri, ‘Ibva pano, enda koko!’ Ringaenda hakuna chinhu chingakukundai.” [ Asi rudzi urwu runongobva chete nokunyengetera, nokuzvinyima zvokudya.] Zvino vachafamba muGariria, Jesu akati kwavari, “Mwanakomana womunhu achabva oiswa mumaoko avanhu; vachamuuraya, asi nezuva retatu achamutswazve.” Vakafa neshungu kwazvo. Vakati vachisvika Kapenaume, vanhu vaigamuchira muripo wetemberi vakauya kuna Petirosi, vakati, “Mudzidzisi wenyu haateri mutero wetemberi here?” Akati, “Hongu.” Zvino akati achipinda mumba, Jesu akatanga kutaura kwaari, achiti, “Simoni, unofungeiko? Madzimambo enyika anotora muripo nomutero kunavanaaniko? Kuvana vavo kana kuvatorwa?” Akati, “Kuvatorwa.” Jesu akati kwavari, “Saka vana vakasununguka. “Asi, kuti tirege kuvagumbusa, enda kugungwa, ukande chiredzo, ubate hove inotanga kudyira; kana washamisa muromo wayo, uchawana sitaterimo; uritore, uvape kuripira ini newe.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 17

Mateo 17:10-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ʋadzidzi ʋakamubvunza, ʋaciti: Ʋanyori ʋanotaurireiko, ʋaciti, Eria unofanira kutaŋga kuʋuya? Akapindura, akati: Eria ucaʋuya hake, aʋandudze ɀinhu ɀose. Asi ndinoti kwamuri: Eria wakatoȿika, asi haʋana‐kumuziʋa; asi ʋakamuitira paʋakaɗa napo. Saiɀoɀo ʋo Mŋanakomana womunhu ucabva wotambudzwa naʋo. Ɀino ʋadzidzi ʋakanzwisisa kuti wakaʋaʋudza ɀaJohane Mubapatidzi. Ʋakati ʋaȿika kuʋanhu ʋazhinji, mumŋe munhu akaʋuya kwaari, akamufugamira, akati: Ishe, ɗonzwirai mŋanakomana waŋgu ŋgoni, nokuti uneɀipusha, unotambudzika kwaɀo. Nokuti kazhinji unowira mumŋoto, kazhinji mumvura. Ndakaʋuya naye kuʋadzidzi ʋenyu, ʋakasagona kumuporesa. Jesu akapindura, akati: Haiwa! rudzi rusiŋgatendi, rwakatsauka, ndicagara nemi kuȿikira riniko? Ndicakuitirai mŋoyo murefu kuȿikira riniko? Ʋuyai naye pano kwandiri. Ɀino Jesu akamuraira, mŋeya wakaipa ukaɓuɗa kwaari, mukomana akapora kubva paŋguʋa iyo. Ɀino ʋadzidzi ʋakaʋuya kunaJesu ʋari ʋoga, ʋakati: Ko isu takaŋga tisiŋgagoni neiko kuuɓuɗisa? Akati kwaʋari: Nemhaka yokutenda kwenyu kuɗuku, nokuti ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Kana munokutenda kwakaita setsaŋga yemastarda, muŋgati kugomo iri: Ibva pano, enda koko! riŋgaenda; hakunecinhu ciŋgakukundai. [Asi rudzi urwu runoŋgobva cete nokunyeŋgetera, nokuɀinyima ɀokudya.] Ɀino ʋacafamba muGarirea, Jesu akatikwaʋari: Mŋanakomana womunhu ucabva woiswa mumaʋoko aʋanhu; ʋacamuʋuraya, asi nezuʋa retatu ucamutswa ɀe. Ʋakafa neshuŋgu kwaɀo. Ʋakati ʋaciȿika Kapernaume, ʋanhu ʋaigamucira muripo wetembere ʋakaʋuya kunaPetro, ʋakati: Mudzidzisi wenyu haaripi muripo wetembere here? Akati: Hoŋo. Ɀino wakati acipinda mumba, Jesu akataŋga kutaura kwaari, aciti: Simoni, unofuŋgeiko? Madzimambo enyika anotora muripo nomutero kunaʋananiko? Kuʋanakomana ʋaʋo kana kuʋaeni? Akati: Kuʋaeni. Jesu akati kwaari: Saka ʋanakomana ʋakasunuŋguka. Asi, kuti tirege kuʋagumbusa, enda kuguŋgwa, ukande ciredzo, uɓate hoʋe inotaŋga kuɓuɗa; kana washamisa muromo wayo, ucawana stateri; uritore, uʋape iro, kuripira iwe neni.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 17