Mateo 17:1-3
Mateo 17:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mushure memazuva matanhatu Jesu akatora Petro naJakobho naJohani mununʼuna waJakobho akakwira navo mugomo refu vari voga. Ipapo akashanduka pamberi pavo. Chiso chake chakapenya sezuva uye nguo dzake dzikachena sechiedza. Pakarepo Mozisi naEria vakangoerekana voonekwa vamire vachitaura naJesu.
Mateo 17:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mazuva matanhatu akati apfuura, Jesu akatora Petirosi, naJakobho, naJohani munun'una wake, akaenda navo mugomo refu vari voga. Akasanduka pamberi pavo; chiso chake chikapenya sezuva, nguo dzake dzikachena sechiedza. Pakarepo Mosesi naEria vakaonekwa navo, vachitaurirana naye.
Mateo 17:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure memazuva matanhatu, Jesu akatora Pita naJemusi naJohani munun'una wake akavatungamirira mugomo refu vari pachavo. Iye akasandurwa pamberi pavo. Uso hwake hwakapenya sezuva. Hanzu dzake dzakati mbuu kuchena sechiedza. Ndokubva Mosesi naEriya vaonekwa vachitaura naJesu.
Mateo 17:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mazuʋa matanhatu akati apfuʋura, Jesu akatora Petro, naJakobo, naJohane munuŋuna wake, akaenda naʋo mugomo refu ʋari ʋoga. Akashanduka pamberi paʋo; ciso cake cikapenya sezuʋa, ŋguʋo dzake dzikacena seciedza. Pakarepo Mosesi naEria ʋakaʋonekwa naʋo, ʋacitaurirana naye.
Mateo 17:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)