Mateo 16:3
Mateo 16:3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye mangwanani munoti, ‘Nhasi kuchanaya mvura ine dutu nokuti denga rakatsvuka uye kwakakwidibira.’ Munoziva kududzira zvinoonekwa mudenga, asi hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva.
Mateo 16:3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mangwanani munoti, ‘Nhasi kuchasviba, nokuti denga rakatsvuka, richifiduka. Munoziva kududzira zvinoonekwa mudenga, asi hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva.
Mateo 16:3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kumangwanani munoti, ‘Nhasi kuchaita dutu nokuti denga rakatsvuka uye riri kutozezesa.’ Munoziva kutsanangura zvinoreva kutarisika kunenge kwakaita kunze, asi hamukwanisi kutsanangura zvinoreva zviratidzo zvenguva dzino.
Mateo 16:3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Maŋgwana munoti: Nhasi kucaȿiɓa, nokuti ɗeŋga rakatȿuka, ricifiɗuka. Munoziʋa kuɗudzira ɀinoʋonekwa muɗeŋga, asi hamugoni kuɗudzira ɀiratidzo ɀeŋguʋa.
Mateo 16:3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)