Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 16:13-15 - Compare All Versions

Mateo 16:13-15 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Jesu akati asvika kudunhu reKesaria Firipi, akabvunza vadzidzi vake akati, “Vanhu vanoti Mwanakomana woMunhu ndiani?” Vakati, “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi, vamwewo vanoti Eria, vamwewo vachiti Jeremia kana mumwe wavaprofita.” Akabvunza akati, “Ko, imi munoti ndini ani?”

Pakurirana nevamwe
Mateo 16 BDSC

Mateo 16:13-15 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Jesu akati asvika kumativi enyika yeKesaria Firipi, akabvunza vadzidzi vake, akati, “Vanhu vanoti Mwanakomana womunhu ndianiko?” Vakati, “Vamwe vanoti, Johani Mubhabhatidzi; vamwe Eria; vamwe Jeremiya, kana mumwe wavaporofita.” Akati kwavari, “Ko imi munoti ndini ani?”

Pakurirana nevamwe
Mateo 16 SNA2002

Mateo 16:13-15 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Jesu paakasvika kudunhu reSezariafiripi, akabvunza vadzidzi vake achiti, “Vanhu vanoti Mwanakomana womunhu ndiani?” Vakati, “Vamwe vanoti ndiJohani Muombeki vamwewo vachiti ndiEriya, vamwewo vachiti ndiJeremiya kana kuti mumwe wavaporofita.” Akazoti kwavari, “Ko imi, munoti ndini ani?”

Pakurirana nevamwe
Mateo 16 SCLBD

Mateo 16:13-15 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Jesu wakati aȿika kumatiʋi enyika yeKesaria Firipo, akabvunza ʋadzidzi ʋake, akati: Ʋanhu ʋanoti Mŋanakomana womunhu ndianiko? Ʋakati: Ʋamŋe ʋanoti: Johane Mubapatidzi; ʋamŋe Eria; ʋamŋe Jeremia, kana mumŋe waʋaprofita. Akati kwaʋari: Ko imi munoti ndini ani?

Pakurirana nevamwe
Mateo 16 SUB1949

Mateo 16:13-15 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Jesu paakasvika kudunhu reSezariafiripi, akabvunza vadzidzi vake achiti, “Vanhu vanoti Mwanakomana womunhu ndiani?” Vakati, “Vamwe vanoti ndiJohani Muombeki vamwewo vachiti ndiEriya, vamwewo vachiti ndiJeremiya kana kuti mumwe wavaporofita.” Akazoti kwavari, “Ko imi, munoti ndini ani?”

Pakurirana nevamwe
Mateo 16 SCLB