Mateo 14:27-29
Mateo 14:27-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi pakarepo Jesu akati kwavari, “Musatya, ndini!” Petro akapindura akati, “Ishe, kana murimi ndirayirei kuti ndiuye kwamuri ndichifamba pamusoro pemvura.” Iye akati, “Uya.” Ipapo Petro akabuda mugwa akafamba pamusoro pemvura akananga kuna Jesu.
Mateo 14:27-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pakarepo Jesu akataura navo, akati, “Tsungai mwoyo ndini, musatya.” Zvino Petirosi akamupindura, akati, “Ishe, kana murimi, ndiraire kuti ndiuye kwamuri pamusoro pemvura.” Iye akati, “Uya!” Petirosi akaburuka muigwa, akafamba pamusoro pemvura, akaenda kuna Jesu.
Mateo 14:27-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakarepo Jesu akabva ataura kwavari achiti, “Tsungai mwoyo, ndini. Musatye.” Ipapo Pita akati, “Tenzi kana murimi, itii ndiuye kwamuri ndichifambawo pamusoro pemvura.” Iye akati, “Uya.” Pita akabuda mugwa akafamba napamusoro pemvura achienda kuna Jesu.
Mateo 14:27-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pakarepo Jesu akataura naʋo, akati: Tsuŋgai mŋoyo ndini, musatya. Ɀino Petro akamupindura, akati: Ishe, kana muri’mi, ndiraire kuti ndiʋuye kwamuri pamsoro pemvura. Iye akati: Ʋuya! Petro akaɓuruka mugwa, akafamba pamsoro pemvura, akaenda kunaJesu.
Mateo 14:27-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)